Musambo weChimurenga wosimudzirwa

13 Dec, 2014 - 14:12 0 Views
Musambo weChimurenga  wosimudzirwa

Kwayedza

mapfumo

Thomas Mapfumo

Kingstone Mapupu
MUMWE muimbi ari kusimukira wekwaMutoko, kudunhu reMashonaland East, oita zvinorova mumusambo weChimurenga.
Gilbert Noel (39) anoimba nechikwata cheMutoko Chimurenga uye anoti akatanga zvekuimba kare ari pasi pevaimbi vane mukurumbira. Noel, uyo ane dambarefu idzva, anoti akaita zvidzidzo zvekuimba nekuridza magitare kukoreji yeZimbabwe College of Music muguta reHarare.

“Ndakatanga zvekuimba izvi ndiri mwana mudiki zvikuru pandakamboridza naThomas Mapfumo, Sekuru Gora, Tinei Chikupo, James Chimombe naEphat Mujuru apo ndairidza ngoma nekuimba zvakare. Izvozvi ndinonyora, kuimba, kuridza ngoma nemagitare uyewo nembira,” akadaro Noel.

Anoti dambarefu rake idzva, iro rinove rechisere kubvira paakatanga zvekuimba, rinonzi Chipo Chenyika uye rine nziyo nhanhatu.

“Kare ndaimboimba nziyo dzechitendero pamadambarefu angu manomwe asi pane idzva iri ndasandura musambo ndave kuimba Chimurenga senzirawo yekuyemura vaimbi vakaita samukoma  Thomas ‘Mukanya’ Mapfumo avo ndakamboridza navo,” akadaro. Dambarefu rake idzva iri rine nziyo dzinoti Chipo Chenyika, Tinotenda VaMugabe, Vakanaka Nevakaipa, Chipo Tinacho muZimbabwe, Emelina, Nhangemutange naNyika ino Yakadiwa naMwari.

Muimbi uyu anoti akambobuda kunze kwenyika kakawanda kunoita mashoo kunyika dzinosanganisira China, Belgium, Denmark, Namibia nekuScotland.

 

Share This:

Sponsored Links