‘Musambunyikidze vanhukadzi’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Musambunyikidze vanhukadzi’ Simbarashe ‘Simross’ Chatima

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weZim-dancehall anoti veruzhinji vanofanira kusiyana netsika yekumbunyikidza kodzero dzevanhukadzi.

Simbarashe Chatima (24) – uyo anonyanyozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Simross – anoti akatanga kuimba aine chinangwa chekusimudzira tsika nemagariro evanhu akanaka pamwe nekurwira kodzero dzevanhukandzi.

“Ini ndakatanga kuimba Zim-danchell muna 2013 ndiine chinangwa chekuda kudzidzisa vanhu tsika nemagariro akanaka uye zvinhu zvinovaka. Handingoimbe zvekunakidzwa kana kuda mbiri, aiwa sezvinoita vamwe,” anodaro.

Anoti mhanzi yake ndeyedzidziso kuruzhinji.

“Sekamwe kambo kandakaimba kanonzi Unomudarireiko, ndaiedza kuudza vanhu kuti vasiyane nekumbunyikidza vanhukadzi nekuti izvi tinozviona matinofamba uye matinogara umu. Vanhukadzi vari kushungurudzwa kuburikidza nekurohwa, kubatwa chibharo kana kutukwa mashoko asina kufanira saka ndaiedza kuudza vanhu kuti vasadaro asi kuti tibate vanhukadzi zvakanaka nekuti vanhuwo,” anodaro Simross.

Anoti mhanzi yake zvakare inokurudzira vechidiki kuti vashande nesimba kwete kugarira mawoko.

“Pane kamwe kambo kangu kanonzi ‘Ghetto Youth’ ako ndinokurudzira vechidiki kuti vasagarire maoko asi kuti vashande nesimba uye kushandisa mukana nekuti izvezvi vamwe vave kutora zvinodhaka uye kuita misikanzwa inotovaitisa marombe chaiwo. Saka mukambo aka ndinenge ndichikurudzira kuti vasiye zvinodhaka izvi vashandire hupenyu hwavo,” anodaro Simross.

Zvakadai, anoti anokurudzirawo vamwe vaimbi kuti vaimbe zvinovaka kwete zvinyadzi.

“Ini semuimbi ndinofunga kuti tisu tinonyanya kutererwa nevanhu saka ndinoti dai tasiyana netsika yekuimba zvinhu zvisina basa, tiimbe zvinovaka hupenyu hwevanhu. Ndinovimba kuti kana tikadaro mhanzi yedu inoenderera mberi uye kana kunze kwenyika chaiko inosvika nekuti ini ndinonyadziswa nemunhu anoita mbiri nekuimba zvisina basa. Saka ndinoti tsika iyoyo ngatiisvipirei  pasi chaipo,” anodaro Simross.

Muimbi uyu anoti ane tarisiro yekuburitsa dambarefu rake rekutanga munaKurume gore rino.

“Dambarefu rangu rekutanga riri kubuda munaKurume gore rino asi harisati rane zita, ndichatsvaga rinonyatsoita. Rine nziyo gumi nembiri uye ndinovimba kuti vanhu vacharifarira zvakanyanya,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links