‘Musanwe mapiritsi aya’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Musanwe mapiritsi aya’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANHUKADZI vanoyambirwa kuti vasiyane netsika yekutora imwe mhando yemapiritsi ekuronga mhuri ayo anozivikanwa nekuti Emergency contraceptive pills kana kuti Postinor — 2 tablets (Morning After Pill) apo vanoedza kuti vasabate pamuviri sezvo achikanganisa utano.

Mapiritsi aya anonzi ari kunyanya kutorwa nevechidiki, zvikuru kumayunivhesiti nemakorejii apo vanenge vaita bonde risina dziviriro kana kuti panguva iyo vanenge vasiri kutora mishonga yekurera mhuri.

Mashoko aya akabuda nguva yapera pamusangano wemazuva maviri uyo wakaitirwa vatori venhau nesangano reZimbabwe National Family Planning Council kuKadoma.

Siatra Msandu akabata makondomu

ZNFPC Mashonaland East provincial manager, Mai Gertrude Katsande, vanokurudzira vechidiki kuti vanotora mishonga yekurera mhuri kumizinda yavakagadzirirwa (Youth Friendly Centres) pachinzvimbo chekuzoshandisa mapiritsi aya.

“Vechidiki havafanire kushandisa mapiritsi etsekwende zvisina tsarukano nekuti haashande zvakasimba sezvinoita mishonga yekurera mhuri. Mapiritsi aya aripo bedzi kuti abatsire vanhukadzi panguva yekuomerwa seapo vanobatwa chibharo kana kunge kondomu raputika,” vanodaro.

Mai Katsande vanoti zvakakosha kuti vechidiki vawaniswe ruzivo maringe nenyaya dzekurera mhuri pasina rusarura.

“Kumakoreji nemayunivhesiti, kune vechidiki vakawanda avo vanongoyerekana vapinda munyaya dzepabonde asi vasati vava netarisiro kuti vange vachiva vabereki. Vechidiki ivava vanowanikwa vachienda kumafaro zvimwe zvichibva mukufuririka sevanhu vachiri kuyaruka.

“Vanoedza kutevedzera zvinoda nyama dzavo vogumisira vaita pamuviri kana kuda kudziviririra pamuviri kububurikidza nekutora mapiritsi etsekwende zvinova zvine njodzi,” vanodaro.

Gertrude Katsande

Ongororo yeZimbabwe Demographic and Health Survey 2001 inoratidza kuti chikamu che22% chevanhukadzi vechidiki vane makore 15 kusvika 19 ekuberekwa vakatotanga kuzvara vana uye chikamu che17% chavo vatove madzimai ane vana.

Mai Katsande vanoti chirongwa cheNational Family Planning Strategy chine chinangwa chekusimudzira kushandiswa kwemishonga yekurera mhuri kubva pachikamu che59% kuenda pa68% panosvika gore ra2020 uye kuderedza nyaya dzekuita pamuviri kubva pachikamu che24% kuenda pa12% muna2020.

Mai Helen Chikumbirike, avo vanova ZNFPC adolescent and youth sexual reproductive health programme officer (ASRH), vanoti zvakakosha kuti vechidiki vawaniswe mashoko uye zvekushandisa munyaya dzeutano hwesikarudzi senzira yekuderedza matambudziko emhando iyi munyika.

“Munyika mune mizinda mishoma inoona nezveutano hwesikarudzi hwevechidiki (Youth Frienldy Corners). Izvi zvinokonzerwa nekushaiwa rutsigiro rwakakwana kubva kuHurumende nemasangano akazvipira. Kuti nyika inge ichisimukira, vechidiki vanofanira kutsigirwa kuti nyaya dzekuitiswa pamuviri dzinge dzichiderera nekuti ndizvo zvimwe zviri kukonzera kuwanda kwendufu dzevanhukadzi nevana panguva yekubara. Tinoda zvakare kuderedza nyaya dzekutapurirwa kweutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde pakati pevechidiki,” vanodaro.

Siatra Msandu, anova communications officer kusangano reCultiv8, anoti vane chirongwa chekuti vange vachipinda munharaunda vachikurukura nevabereki nyaya dzekurera mhuri.

Mapiritsi etsekwende anowanikwa muzvipatara, mumakiriniki nemafamasi uye anofanira kutorwa mukati memaawa 72 mushure mekuita bonde risina dziviriro uye haabatsire mukudzivirira zvimwe zvirwere zvepabonde seHIV.

Morning After Pill ine huwandu hwemishonga hwakapetwa kana zvichienzaniswa neiyo inowanikwa mumapiritsi ekurera mhuri kureva kuti ine 1,5 milligrams dzeLevonorgestrel.

Anobatsira kuti mazai anonoke kufiritwa nembeu yababa asi pane matambudziko anogona kusangana neavo vanoatora.

Kune mamwe madzimai nevechidiki avo vari kunzi vari kuita katsika kekushandisa mapiritsi aya mukuedza kubvisa pamuviri zvinova zvisiri izvo nekuti kana mbeu yababa ichinge yangosangana nezai raamai, pane mikana mizhinji yekuti mwana aumbwe muchibereko.

Kana mapiritsi aya akatorwa mukati nemaawa 27 ekuita bonde risina dziviriro, pane mikana yekudzivirira kubatwa kwepamuviri nechikamu che89% asi kana achinge atorwa mukati memaawa 24 panenge pava nechikamu che95%.

Share This:

Sponsored Links