Uncategorized

Musaregedze maarv: who

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Musaregedze maarv: who Dr Alex Gasasira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti pari zvino hakusati kwava nemushonga unorapa HIV neAIDS.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nemutungamiriri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries (PHD), Prophet Walter Magaya masvondo maviri adarika ekuti vava nemushonga unonzi Aguma uyo wavanoti unorapa HIV.

Prophet Magaya vakazokumbira ruregerero kunyika yose vachiti vakange vamhanya kushambadza mushonga wavo pasati paitwa ongororo yakadzama pamusoro pawo sezvinotarisirwa pasi pemutemo muZimbabwe.

Prophet Walter Magaya masvondo

Munyika muno, sangano reZimbabwe Medicines Control Authority of Zimbabwe pamwe neHurumende ndivo bedzi vane basa rekuongorora mishonga iyo inozoshandiswa neveruzhinji uye inofanira kunge yakanyoreswa zviri pamutemo.

Mumiririri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanokurudzira vanhu vose vari kurarama neutachiona hweHIV kuti vasaregedze kutora mishonga yavo nemaAnti-Retroviral Drugs sezvo zvichizopinza upenyu hwavo panjodzi.

“Hakusati kwava nemushonga unorapa HIV uye hakuna ongororo dzati dzaitwa dzikabudirira maringe nekurapwa kweutachiona uhwu. MuZimbabwe tine marabhoritari anovheneka mishonga yose kuti itange yaonekwa kuti inoshanda mukurapa zvirwere zvipi kusvika yazoendeswa kuvanhu.

“Senyika dzemubatanidzwa (United Nations) tinokurudzira vose vanenge vari kuda kuita ongororo dzemishonga yavo kuti vashande nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pakuita ongororo idzi,” vanodaro.

Vanoti kushandiswa kwemishonga yemaARV kwakakosha sezvo kuchibatsira mukuderedza ukasha hweutachiona hweHIV zvinova zviri kuita kuti vazhinji vari kurarama neutachiona uhwu vave neutano hwakanaka.

“Kune matanho makuru akatorwa nemasangano akadai seUnited Nations, Global Fund mukurwisa HIV, rurindi nemarariya, US President’s Emergency Paln for AIDS Relief (PERPFAR) nemamwe mukuona kuti mishonga yemaARVs yawanikwa muZimbabwe kuvanhu vanodarika miriyoni vane utachiona uhwu.

“Izvi zvakabatsira mukuderedza ndufu dzinodyidzana neAIDS nechikamu che63 percent kubva mugore ra2010 kusvika 2017 pakati pedzimwe budiriro,” vanodaro.

Vanoti sangano reUnited Nations riri kutsigira zvikuru Zimbabwe kuti izadzikise zvinangwa zvayo zvekupedza kupararira kweHIV panosvika gore ra2030.

“Zimbabwe inozivikanwa zvikuru nezvinangwa zvayo zvegore ra2020 zve90-90-90 zviri maringe nekurapwa, kutorwa kwemishonga nekudzivirirwa kweutachiona hweHIV,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>