‘Musarime mumatoro’

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
‘Musarime mumatoro’

Kwayedza

CDE Saviour Kasukuwere

CDE Saviour Kasukuwere

VARIMI nevamwe veruzhinji vakakurudzirwa kuti vasarime mumatoro nekumahombe-kombe kwenzizi sezvo izvi zvichikonzera kushomeka kwemvura yekushandisa mumabasa akatsaukana pamwe negukuravhu.
Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rebazi rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze Cde Saviour Kasukuwere pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nemapoka akasiyana-siyana, Cde Kasukuwere vakati zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze zviwanikwa  zvakanaka.

“Ngatichengetedzei nharaunda, matoro, madhamu emvura nekurega kurima pedyo nazvo nekuchera-chera makomba  zvinova zviri kukanganisa mamiriro ekunze,” vakadaro Cde Kasukuwere.

“Ndinoda zvakare kuyambira avo vanoita zvemigodhi yezvicherwa kuti muri kukanganisa nzizi dzedu, kunyanya Mazowe River, mvura yeko iye zvino yaderera nekuda kwegukuravhu riri kukonzerwa nekucherwa-cherwa kumahombe-kombe kwarwo.

“Zvakare, avo vemakambani vanorasira tsvina dzinobva kumaindasitiri  munzizi regai katsika aka,” vakadaro Cde Kasukuwere.

Cde Kasukuwere vakati vatungamiriri vematunhu vakaita semadzishe, masadunhu nemasabhuku vane basa guru rekuona kuti munzvimbo dzavo nharaunda dziri kuchengetedzwa zvakanaka.

“Zvakare imwe nyaya, musapisa marara nekuti hutsi hunovhiringidza mamiriro ekunze mvura yorega kunaya ,mweya wekufema wokanganisika zvinova zvinokonzeresa zvirwere zvakare,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links