Uncategorized

Musatambe nemadhaka!

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Musatambe nemadhaka!

Kwayedza

VERUZHINJI muZimbabwe pari zvino vari kugunun’una zvikuru nenyaya yekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvinosanganisira mafuta edzimotokari, mari yezvekufambisa, zvekudya nezvimwe zvinoshandiswa mazuva ose.

Mitengo yezvinhu iri kungokwira kuita mutorododo kana kuti angova madirativhange chaiwo.

Mamiriro ezvinhu aya aona vamwe vemakombi, mabhazi nemichovha inotakura veruzhinji vachikwidzawo mari dzinobhadharwa pakufamba.

Nekudaro veruzhinji vaomerwa neupenyu nekuti kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu hakusi kuenderana nemari dzinotambirwa nevashandi kana kuti nemari inowanikwa neavo vanoita mabasa emawoko.

Vemabhizinesi vakadai sevezvitoro vari kupa zvikonzero zvakasiyana kuti sei vari kukwidzwa mitengo yezvinhu zvinosanganisira zvekudya.

Zvimwe zvezvikonzero zvavari kupa ndezvekuti vari kudhurirwa nekutenga mari yekunze kwenyika pamusika wemukoto, zvikuru ma$US iyo avanoshandisa kutenga zvinhu zvakasiyana mumabhizinesi avo.

Hongu, mari yekunze iyi ingave ichinetsa kuwana asi mamwe makwiriro acho ari kuita zvinhu akanyanyisa. Semuenzaniso, marita maviri emafuta ekubikisa, ayo aimbotengwa ne$3,85 nguva pfupi yadarika, ava kuita $6,50 kusvika $13 kune dzimwe nzvimbo dziri kumaruwa nemadhorobha.

Ndicho chii ichocho? Kuedza kuita sei ikoko? Kuti veruzhinji vagumbuke nhaika? Tiri kukuona! Zviri pachena kuti kune vamwe vemabhizinesi vave kutora mukana wezvimhingamipinyi zviri kusangana nenyika ino munyaya dzeupfumi kuti vakwidze mitengo yezvinhu zvisina kukodzera.

Vakadai ava havachakosesha vatengi asi kuti vari kuda kuita mari nechimbi-chimbi kuburikidza nemitengo yakanyanya kukwira.

Pamusoro pekuda kuita mari, vanhu ava vanofanirwa kunge vaine zvimwe zvinangwa zvavari kukwidzira mitenge.  Kune vamwe vari kubvisa zvinhu zvakaita semafuta mumasherufu ezvitoro zvavo asi vozvitengesa nerweseri pamusika wemukoto. Maitiro akadai ndiwo anodzosera budiriro yenyika kumashure. Uhu huwori huri pachena uye ndizvo zvimwe zviri kukanganisa kusimukira kweupfumi hwenyika. Chokwadi chichabuda pachena nekuti Hurumende yaPresident Mnangagwa haisi kuzojaidza makudo neanokamhina. Hwese huwori ihohu!

Haingave nyika kana vanamuzvinhabhizinesi vave kungoita mazvake-mazvake nenyaya yekukara mari. Kare Hurumende yaimbodzika mitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya nezvimwe zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose. Asi yakazosiyana netsika iyi nedonzvo rekuti mitengo yezvinhu inge ichikwikwidzana yega izvo zvinobatsira vatengi mukuita sarudzo yekuti votenga kupi.

Asi nhasi uno atori makwikwi chaiyo pakati pevanamuzvinhabhinesi ekukwidza mitengo yezvinhu. Vane ma”tuck shop” ndivo vamwe. Vari kukumba zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa muzvitoro vonotengesa nemari dzakakwirisisa panze. Ehe, zviri pachena kuti vari kushanda nevemuzvitoro asi ngavazive kuti vari kunyangira yaona.

Chinoshamisa ndechekuti sei mitengo yezvinhu iyi iri kukwidzwa mazuva ose. Zvakakosha kuti vemabhizinesi neveruzhinji vaise misoro pamwe chete neHurumende mukugadzirisa matambudziko ari kusangana nevagari vemuZimbabwe munyaya dzeupfumi kwete kutora mukana uyu kukwidza mitengo yezvinhu. Tinogamuchira nemawoko maviri matanho ari kutorwa neHurumende mukugadzirisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.

Matanho aya anosanganisira kuvepo kwehomwe yemari inosvika US$500 miriyoni yekutenga zvakakosha semagetsi kubva kunze kwenyika, mafuta edzimotokari, gorosi nezvimwe zvinodiwa nevemaindasitiri mukuita basa ravo.

Kana pakave nekubatana pakati pezvizvarwa zveZimbabwe zvinove nyore kukunda matambudziko akatarisana nenyika.

Avo vari kuita katsika kezimunzwa mundove vanofanira kusiyana nako nekusangokwidza mitengo yezvinhu nemhaka yekukara mari.

Ibasa remunhu wose kuona kuti zvose zvaari kuita zvinosimudzira upfumi hwenyika nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nhando.

Musatambe nemadhaka pasina mvura.

Vari kukwidza mitengo yezvinhu hokoyo!

Share This:

Sponsored Links