‘Musatenge mishonga yemikoto’

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
‘Musatenge mishonga yemikoto’

Kwayedza

BAZI rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro rinoti riri kushushikana zvikuru nekutengeswa kuri kuitwa mimwe mishonga inoshandiswa nevarimi pamusika wemukoto sezvo zvichigona kuve nenjodzi huru kune vanozoishandisa.

Mukushi wemashoko vari zvekare mukuru anoona nezvekunyoreswa kwemishonga kubazi iri, VaKwadzanai Mushore, vanoti kutengeswa kwemishonga iyi pamusika wemukoto kutyorwa kwemutemo weFertilizers, Farm Seeds and Remedies Act (Chapter 18:12) wakadzikwa mugore ra1996 pamwe neStatutory Instrument 144 of 2012 (Pesticides Regulations) uyo unorambidza kutengeswa kwemishonga pese-pese.

“Mishonga yetumbuyu, makonzo, mapete, masvosve nezvimwe inofanira kutengeswa bedzi nemakambani akanyoresa nebazi redu. Nokudaro vatengesi vemumigwagwa vari panyatwa yekusungwa uye tiri kutoyambira kuti kana pachine vari kuita izvi vamire nekukasika kana vasati vabatwa,” vakadaro VaMushore.

Vanoti nyika iri kusangana nedambudziko revanhu vanofamba vachingotengesa mishonga iyi zvikuru muguta reHarare vachinyepera vanhu kuti inoshanda zvakasimba mukuuraya tumbuyu.

“Varimi nevamwe veruzhinji havafaniri kutenga mishonga iyi inotengeswa mumigwagwa nekuti inenge isina kunyoreswa. Hongu, inogona kudaro iine mitengo iri pasi asi ichizopa matambudziko makuru kuutano hwevanhu vanenge vachiishandisa kana kuti vanozoibata. “Mimwe yemishonga iri kutengeswa zvisiri pamutemo inosanganisira zinc phosphate nealdicarb uyo une ruvara rwakasviba unowanzotengeswa semushonga wemakonzo. Mishonga iyi haitenderwi kuti inge ichitengeserwa munhu wese-wese nekuti iripo kuti ichishandiswe mumabasa ekurima uye inofanira kushandiswa nevanhu vakadzidziswa mashandisirwo ayo,” vakadaro.

VaMushore vanoti bazi ravo rakatotangisa kushanda nemapurisa nedonzvo rekuona kuti avo vari kutengesa mishonga iyi pamusika wemukoto vasungwa.

Vanoti zvakare mimwe yemishonga iyi inenge iri yemanyepo kunyangwe zvazvo ichitengeswa yakaiswa mumagaba anotaridza kunge echokwadi.

Zvakadaro, vamwewo vatengesi vemishonga iyi vakaita hurukuro neKwayedza, avo vakaramba nekudurwa mazita avo, vakati vachaedza nepose pavanogona kuti varambe vachitengesa mishonga iyi nekuti ndipo pari kubva raramo yavo.

Share This:

Sponsored Links