Musatengese donje kunze nechitsotsi: Zfu

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Musatengese donje kunze nechitsotsi: Zfu Mrs Monica Sibanda of Matutsa village, Gokwe picks cotton from the family's two hectare plot. The cotton price wars remains a major worry to cotton farmers in Gokwe - Picture by Kudakwashe Hunda

Kwayedza

SANGANO rinomirira varimi munyika muno reZimbabwe Farmers Union (ZFU) royambira kuti vasiyane nekatsika kekutengesa donje kunze kwenyika nechidzviki sezvo izvi zvichikanganisa kusimukira kwemabasa ekurima neupfumi hwenyika.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanova ZFU executive director zvichitevera katsika kanonzi kari kuitwa nevamwe varimi avo vari kutengesa donje ravo kunyika yeMozambique.

“Tine mashoko ekuti kune vamwe varimi vedu vedonje vanorima vari kunzvimbo dzakatevedza muganhu wenyika yedu neyeMozambique avo vanoenda masikati machena neusiku vachinotengesa chirimwa ichi kumakambani ari kuMozambique. Tinoti izvi ngazvipere nekuti zvinokanganisa kusimukira kweupfumi hwenyika yedu pamwe chete naivo varimi zvakare nekuti vanenge vachiendesa dikita ravo mudura revamwe kwavo kuchisara kusina chinhu,” vanodaro.

Vamwe vevarimi ava vanonzi vanenge vakabatsirwa kurima donje iri nemakambani emuZimbabwe akazvimirira anotenga donje zvinozoita kuti makambani aya azorasikirwe sezvo panenge pasina chavanowana.

“Tine makambani akawanda anobatsira varimi ava kurima chirimwa ichi nekuvapa mbeu, feteraiza nemishonga yose inodiwa nemari pamusoro yekuti varimise. Zvakadaro, pane chibvumirano chekuti varimi ava vanofanirwa kuzotengesa donje ravo kumakambani aya asi vamwe vave kutiza kuenda kunotengesa kumwe zvinova zvisingabvumidzwe,” vanodaro.

VaZakariya vanoti imhosva kuti varimi vawanikwe vachinotengesa zvirimwa zvavo kune imwe nyika vasina mvumo.

“Mashoko atinawo anoti varimi vari kuita izvi ndevari kumuganhu wenyika yedu neMozambique vakadai sevari kuMuzarabani, Mukumbura, Rushinga, Mudzi nekumwe kwakasiyana. Varimi ivava vanonzi vari kupa zvikonzero zvekuti havasi kupihwa mari nenguva kana vatengesa donje ravo kumakambani anovabatsira kurima, kunyangwe nevanorima voga vasina kubatsirwa vari kunotengesawo kunyika iyi,” vanodaro VaZachariya.

Vanoti vanokurudzira vemakambani anotenga donje kuti vaisire varimi mari yavo munhare dzavo kuburikidza neEcoCash vozoona zvekuita nayo voga pane kuti vanoita mazuva vasina kuipihwa.  Zvakadai, VaBenny Marovahupo (70) vanorimira vari kwaChimushonga, kuMukumbura vanoti hapana chavanoona chakaipa pakutengesa donje ravo kuMozambique nekuti vanonowana mari ipapo vodzoka kumusha vachizoshandisa mari yavo zvavanoda.

“Ndikatengesa kumakambani edu anotenga donje kuno ndinomirira mari kwemasvondo kana mwedzi, kuMozambique ichingotengwa ipapo-ipapo mari yacho ari ma$US futi. Imwe nguva ukada kuisirwa paEcoCash kuno network pafoni kunenge kusina zvotora mazuva zvakare,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaRemason Gatsi (54) avo vaimbova kanzura kunzvimbo yekwaChimushonga nekwaGomo kuMukumbura kwakare vachiti varimi vanopedzisira vave kutengesa donje ravo kuMozambique nekuti vanonoka kupihwa mari nemamwe makambani anotenga chirimwa ichi munyika muno.

“Chokwadi zvakaipa kuti varimi vave kutiza makambani akavabatsira kurima donje vonotengesa kuMozambique asi chikonzero ndechekuti mari iri kunowanikwa ipapo ipapo saka zvinoda kuti nyaya iyi igadziriswe nenguva,” vanodaro VaGatsi.

Share This:

Sponsored Links