Uncategorized

Musazoita Kiss mazino embwa

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
KIRISIMASI yasvika! Vamwe vari kuridza Jah Prayzah vachidya, kunwa nekutamba. Izvozvo hazvina kuipa, nekuti hukama igasva hunozadziswa nekudya, kwete nekunyimana kana kuvengana. Kuri kuti hamuna kukokwawo ikoko kuri kudyiwa, kufarwa nekuridzwa ngoma, garai zvenyu kumba kwenyu mudye izvozvo zvamagara muchidya mazuva ose.

Bhaibheri rinotaura zvekudya kwedu kwemazuva ose!

Kune vamwe vachapihwawo zvekudya kana Kirisimasi bhokisi nevanenge vavafunga.

Ndapota, musazotarisa kuti mapihwa zvishoma, nekuti matoitawo zvekupihwa. Magara manga musina, uye zvamapihwa izvozvo zvanga zvisiri zvenyu.

Musakanganwe kuti kana zvako unogona kuzvinyimwa.

Izvozvi pane mumwe ari kuda kutouraya mumwe munhu ari kuramba nechikwereti chake.

Icho chekudya hachinganzi ndapihwa chidiki, nekuti chidiki ihembe kana bhutsu yekupfeka, kwete chekudya.

Kana ukapihwa chekudya chidiki, idya uchiziva kuti warangarirwa, uye kuti iyo Kirisimasi ino, kune vasinawo akambovapa kana chinhu kunze kwekuvatarisa nemaziso azere ruvengo.

Tichiri pakudya apa, kana muchidya, chenjererai mutarisise zvamuchadya nekuti zvimwe zvacho nyangwe zvichikunakirai sezvipondamwoyo, zvinogona kukugadzirirai saizi inenge zimbe remoto.

Kufanana nevari kudhiraivha mota pamugwagwa apo, imiwo vari kudya zivai muganhu. Musapfurikidze mwero wezvekudya nekuda kwekuti muri kuti yave nguva yeKrisimasi, uye zvekudya zvacho ndezvemahara.

Dumbu ihomwe, rinobvaruka zvisingaonekwe nemaziso.

Uye, hushe hwedenga hausi zvekudya kana zvekunwa, asi kururama, nerugare nemufaro muMweya Mutsvene.

Ipo panguva ino yeKirisimasi muchakurukura nehama neshamwari, musaitisane nharo dzinopedzisira dzaita kuti mumere nyanga. Haisi nyaya yekuziva kwako kana nharo dzako – ino inguva yekutererawo vamwe, zvikuru vari kutaura nezvekushayirwa nzvimbo kwakaitwa Mwanakomana waMwari nenyika panguva iye amai vake vachitsvaga paangazvarirwe.

Newewo usazowanira mashoko asina basa nechikafu nzvimbo, asi Jesu ari kunze uko.

Ndinoziva kuti kufara chinhu chakanaka. Kunyanya kufara munguva ino yemwaka mutsva. Pamunotamba, tambai nevamunobvumirwa kutamba navo, nekuti vamwe vamuchada kutamba navo vanogona kutambisa nekutamisa mwoyo yenyu panzvimbo mukakanganwa kuti vakadzi vevanhu.

Miganhu yakanaka, uye haidi kudarikwa nyangwe zvinakidze sei. Itai miganhu yekudya mari.

Miganhu yekutaura, kwete kutaurisa. Miganhu yekudya nekunwa. Miganhu yekunakidzwa chaiko nekuti kune madhimoni akamirira kukupinda segonye achisiya wave maburi-maburi anopinda mhepo.

Kuchipedzisa nhau, nyaya yangu ndeyemutauro. Handisi mupurisa weZRP, uye handidi kuita mupurisa weZRP nekuti vanhu vanozondivenga semuroyi. Pese pandinoona mapurisa mberi kwangu ndiri mumota, ndinonzwa kukanganisika semunhu anzi ndipinde mumba mapinda nyoka. Handizive kuti vachandiruma here kana kuti vachandisvipira.

Kutya vanhu hachisi chinhu chakanaka, kunyanya kana vanhu vacho vari vanofanirwa kukuchengetedza, kukubatsira nekukusimbisa.

Ndiri mupurisa wemutauro wechiShona nekuti mutauro isimba, inhaka, injere. Mutauro vanhu, hunhu nenyika. Nziyo dzechiShona sedzaJah Prayzah dzakanaka kuterera kwete kuona mavhidhiyo nekuti mavhidhiyo acho anoparadza mashoko nezvinovaka zviri munziyo. Saka kana mave kudzitamba paKirisimasi muite muchiterera kuti ari kuti kudii. Kana manzwa kuti ari kuti kudii, shandisai nziyo idzodzo kudzidzisa vana. Taurai nevana. Bvunzai mibvunzo, uye mupindure mibvunzo yavo.

Kana vachiterera Jah Prayzah mugovaudza kuti “Nziyo yeRudo” harusi rurimi rwamai rwakanaka. ChiShona chakanaka chinoti, “Rwiyo Rwerudo.” Iyi inonzi sungawirirano. Kuti nziyo kureva huzhinji hwerwiyo. Mimwe mienzaniso inoti: rwiyo=nziyo; rwizi=nzizi; rwaivhi=nzavhi.

Ivai neKirisimasi ina Mwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey