Uncategorized

musha wakazorwa tsvina nemupurwa

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
musha wakazorwa  tsvina nemupurwa Justin Makaza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weSally Mugabe Heights Phase 2, kuDomboshava, yave kugara izere nekutya zvichitevera mashura emukweshwa wemupurwa wavanoti vakaona uri mumba mavo, ndokuzotiza uchisiya waitira tsvina mumba yose, pamidziyo nepachivanze.

Mupurwa uyu unonzi wainge wakareba zvekuda kuita mamita maviri.

Mashura aya anonzi akaitika pamba paVaJealous Chirariro (35) masikati machena svondo rapera.

VaJustin Makaza (35), avo vanova sekuru kumhuri yekwaChirariro, vanoti vakazongoerekana vave kushevedzwa kumba kwemhuri iyi vachinzi mumba maive nezimupurwa.

“Apo ndainge ndigere pamba pangu munzvimbo imwe chete iyi, ndakaerekana ndaona mwana achiuya achimhanya achiti ainge atumwa naPriviledge Murambidzi (35) mudzimai waJealous zvichinzi hanzi mhanyai mumba mune chikara,” vanodaro.

Murume uyu anoti akaenda ndokusvikopinda mumba akawana mupurwa uyu wakahwanda kuseri kwemasofa kwaiva nemugomo wehupfu nemasaga ane chibage nefeteraiza.

“Mupurwa uyu wakanopinda muimba ine mipanda miviri iyi umo maiva nevana vaviri – mukuru wemakore gumi nemucheche uyo ainge akarariswa pasofa. Mwana mukuru anonzi achiona izvi, akasvetuka nepahwindo ndokusiya mucheche arere pasofa apo amai vacho vakazomhanyawo kunosimudza mucheche ndokutizira naye panze,” vanodaro.

VaMakaza vanoti mupurwa uyu vakauona waungana pakati pemasofa neroom divider uye vakavhundutswa nekukura kwawainge wakaita.

“Ndakazoita zano pamwe chete nemumwe muzukuru wangu anonzi Weston Jackson (44). Ndakatora saga iro ndakapfeka mumawoko, ndikabata musoro wemupurwa uyu zvakasimba apo Jackson akaribata muswe uye wakarwisana nesu zvekutopotsa watipunzira pasi uchirova muzukuru uyu nemuswe,” vanodaro.

Vanoti vakarwisana nemupurwa uyu vachitenderedzana mumba apo wakazotanga kuita tsvina chena yemanyoka iyo yakaposhongedzwa mumba yose kusanganisira pamasofa nepasi imwe ichimwaiwa kumadziro nekumidziyo.

“Handisati ndamboona zvakadaro, zviya zvinoita munhu ane manyoka ndizvo zvaiita mupurwa uyu isu takangoubata chete. Tsvina yacho yainhuhwa zvikuru, iri chena semukaka,” vanodaro VaMakaza.

Priviledge Murambidzi nemwana wake

Vanoti mupurwa uyu wakazoitira tsvina kumeso nepambatya dzaJackson apo waiedza kumara vaviri ava.

“Takarwisana nawo kunosvitsana kunze uchingoita tsvina chete. Chakatishamisa tave kunze pachivanze wakatanga kuita tsvina nhema nhema yakasiyana nechena yawakatanga kuitira mumba.”

VaMakaza vanoti vakaubatirana ndokuenda nawo kusango uko vakanourasa uri mupenyu – uchingodurura tsvina bedzi.

“Patakazoukanda kuchikomo, wakamhanya ndokutsakatika musango. Asi chishamiso ndechekuti wakapinda sei mumba uchisiya musango? Tinoti zvine chekuita nehuroyi,” vanodaro.

VaMakaza vanoti vakatya kuuraya mupurwa uyu sezvo vaine fungidziro yekuti une chekuita nehuroyi.

“Pane mumwe mudhara anogara muno wechirudzi anodya mipurwa uyo akatya kuuraya chikara ichi,” vanodaro.

Mai Murambidzi vanoti havazive kuti hapana chakaipa here chakaitwa kumwana wavo mucheche apo akambosara oga mumba maiva nemupurwa uyu.

“Handifungi kuti mupurwa uyu uri woga nekuti nguva idzi kwaiva kuchena, kuma3 zuva rodoka.

‘‘Nyaya yekuzoitira tsvina mumba nepachivanze yakatishamisa uye takazoenda kumuporofita tikanzi aya mabasa evaroyi.

“Takazopihwa sauti nemunamato izvo takaisa patsvina yemupurwa uyu apo murume wangu Jealous akazokorobha nekubvisa tsvina mumba nepachivanze,” vanodaro.

Vanoti kumuporofita vakanonzi mupurwa uyu wainge watumirwa nevavengi.

“Ndakanzi ini ndakatarisana nerufu, sezvo zuva iri ndakazosara ndikarwara zvikuru. Vamwe vanoti waivinga hupfu kana chibage mumba hamheno kana chiri chokwadi. Vamwewo vanoti mupurwa unoshura,” vanodaro Mai Mudzamiri.

Mudzimai uyu anoti vave kugara vachitya nekuda kwechiitiko ichi.

“Ndiri munhu anogara achirwara, handichaziva dzimwe nguva ndicho chikonzero chacho. Mudumbu mangu munogara muchifamba chinhu chinoita senyoka, asi mamwe mazuva ndinofuma ndakasimba zvekuita semuviri wakazvimba ndichimbofumawo ndakawonda. Iyi inyaya inozivikanwa nevanhu vemuno,” vanodaro.

Votaura nezvenyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti uyu hausi mupurwa asi kuti chikwambo kana kuti dumwa.

“Ichi chikwambo kana kuti dumwa rakatumirwa mhuri iyi. Vakaitirwa tsvina nemupurwa ava vakasiirwa minyama.

‘‘Mwana akambosara ari oga nemupurwa mumba anofanirwa kubatsirwa nekuti pamwe akananzwa.

“Uyo akazobvisa tsvina iyi aisafanirwa kudaro, yaifanirwa kubviswa nen’anga inoziva. Mhuri yose inofanirwa kubatsirwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links