Uncategorized

musha wemuvhangeri wonaya matombo

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
musha wemuvhangeri wonaya matombo Matombo aitemeswa vanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI yemurume aimbova muvhangeri wechechi yeZCC Mbungo igere kwaNyika, kuBikita, kuMasvingo, haina rugare sezvo yapatiswa musha ichinogara mudondo zvichitevera kurohwa kwavanoitwa nematombo ayo anopotserwa achibva mumhepo uye moto uchingobatira woga uchipisa dzimba nemidziyo.

Sezvinonzi izvi zvotete, maredhiyo nemaTV zvinongodzimwa apo zvinenge zvakabatidzwa, anongoda kuzvibatidzazve okwapaidzwa mazimbama, pashure zvotonganduma kutsva.

Mari nenharembozha zviri kungotsakatikawo.

Mbuya Easther Makuwe vachitaridza pavakatemwa nematombo akabva mumhepo

Nyanzvi mune zvechivanhu dzinoti zviri kuitika kumhuri iyi mabasa ekamhuka kanoshandiswa nemishonga yakaipa — sandawana — zvikwambo kana kuti zvidhoma.

Zvinonzi sandawana ndiyo inokonzeresa moto — kwete wemheni — ichitora upfumi.

Vemumhuri vemhuri iyi vasara nemavanga ekutemwa nemabwe uye musha rava dongo sezvo dzimba nemidziyo zvapera kutsva.

Beauty Mawire achitaridza mavanga ekutemwa nematombo aine hanzvadzi yake, Last Makuwe

Iri ndiro dambudziko rakatarisana nemhuri yaVaSimon Makuwe avo vakashaika mugore ra2010 ndokusiya mhuri yavo igere mubhuku raMakuwe, kwaMambo Mukanganwi, kuDuma.

Kana vatori venhau veKwayedza “vakapa kutenda” nemusi weChishanu svondo radarika — matombo akangotanga kunaya, moto ndokubatidza dzimba nemidziyo ivo varipo — rikava bararamhanya kutiza.

Aya anofungidzirwa kuti mabasa ezvidhoma kana kuti zvikwambo.

Izvi zvinonzi zvakatanga apo dzimba dzakatanga kubvira pamusha pevabereki nekune dzevanakomana vose.

Dzimba dzakapiswa nemoto wakangotanga woga

Kusvika pari zvino, dzimba dzapera kutsva nemoto unongotanga woga uye vanhu vachitemwa nematombo nekurohwa neshamhu asi vasingaone kuti zviri kubvepi.

Pamusoro pezvo, mhuri iyi inoti iri kubirwa mari nezvimwewo zvinhu zvinosanganisira nharembozha.

Mbuya Easther Shava Makuwe (67), avo vanova amai vemhuri iyi, vanoti vakatotiza pamusha pavo apo panova pakatangira moto uyu uchizopararira kudzimba dzevana vavo zvekuti vave kugara kuchechi. Dzimwe nguva vanomboenda kumusha kwavo.

Vana vavo vakatizawo pamisha yavo ndokunopotera mumana nekuda kwehondo yematombo nemoto iyi.

Pakavamba dambudziko iri, Mbuya Makuwe vanoti mawairesi nezvivhitivhiti zvavo zvaidzimwa nemunhu aisaonekwa uye kana pane aiedza kuzvibatidza, airohwa mbama yemavhundurira nechinhu chaaisaona.

Sabhuku Makuwe

“Murume wangu akashaika kare, taiva pachipari, ini ndiri mukadzi mudiki. Dambudziko iri rakanangana neni nemhuri yangu chete, handizive kuti chikonzero chei. Ini nevana vangu vakomana vose hapasisina ane chinhu, moto wapedza kupisa zvinhu zvose kubvira kudzimba nemidziyo. Hatisisina chinhu kunyangwe chekudya chaicho,” vanodaro.

Vari pakati kurondedzera nyaya ino, Kwayedza yakazvionera manenji aya apo matombo akatanga kupotserwa vatori venhau varipo, imwe imba ndokubatira moto apo vanhu vakaita bararamhanya kutiza.

Mbuya Makuwe vanoti dambudziko iri rakatanga mumwedzi waGumiguru gore rapera.

“Pamusoro pemba paingokandwa matombo kwemasvondo maviri ndokuzogumisira dzimba dzobatira moto. Taiedza kudzimura moto uyu asi uchiramba kudzimara wapararira nekudzimba dzevana vangu,” vanodaro Mbuya Makuwe.

Vanoti kazhinji moto uyu unotanga husiku asi pawakabatira vatori venhau varipo kwaive kumazuva rovira.

“Izvozvi vana vangu vose vakatiza vakaenda kuhanzvadzi yangu uyo asingagare pamusha pake kwaSabhuku Chisango. Tinorohwa neshamhu nevanhu vatisingaone, tichitemwa zvekutokuvara.”

Vanoti ivo vakatemwa vakakuvara pagumbo nepagokora.

Matombo anokandwa aya anonzi anenge akasangana nezvidhinha nezvimiti.

“Kubva patakatanga kutemwa kusvika iko zvino, hatina zororo. Moto uri kungobatira, zvipfuyo zvedu zvave kungotandazika, imbwa hadzisisina anopa sadza uye mbudzi nemombe zvichishaya anozvivharira,” vanodaro.

Zvinhu zvakatsva nemoto uyu zvinosanganisira mibhedha, mawodhiropu, matafura, materevhizheni, zvigaro, magumbeze nembatya.

Dzimba dzemhuri iyi dzakatsva dzinosvika gumi pamwe chete dzichisanganisira dzaMbuya Makuwe, Oliver Makuwe (42), Kudakwashe Makuwe (59), Simbarashe Makuwe (44) nedzaLast Marume Makuwe (32).

Vamwe vevanhu vanonzi vakatemwa nematombo ndiBeauty Mawire (48), Sekai Makuwe (31) naLast.

Beauty anonzi akazvamburwawo neshamhu yaiva netsarapu asi haana kuona aimurova kudzimara atiza pamba paamai vake apo akazoregerwa.

Muroora wepamusha uyu, Gwadamirai Makuwe (35), anoti asara asina kana chekubata sezvo dzimba dzose nemidziyo zvapera kutsva.

“Musha wese hatisisina chekubata. Mhuri yose tinokwana vanhu 30, vakuru nevadiki. Hamheno kuti moto uyu unobvepi.

“Musi wekutanga, pakabatira moto kumba kwangu takazongoona munhu aiva akapfeka zvichena uyo akazongonyangarika,” anodaro Gwadamirai.

Beauty anotiwo nekuda kwekurohwa kwaakaitwa nematombo neshamu, muviri wake haupore kurwadza.

Uyuwo Last anoti kwavanofamba vanonzi pane mumwe mumhuri yavo akaenda akanotsvaga mishonga yekupfuma iyo yave kukonzera matambudziko aya.

“Tiri kufamba kunosvika kuChipinge chaiko uko tinonzi pane akashereketa, akatsvaga mishonga. Muporofita akauya pano akasungirira muteuro wemvura apo bhodhoro racho rakazopiswa nemoto uyu. Tashaya zvekuita, tibatsireiwo,” anodaro Last.

Mhuri iyi inoti yakanopotera kwaSadunhu Mupakwa uko vakanzi panoda kutsvagwa magodobori anovabatsira.

Mbuya Makuwe vanoti vanomboenda kumusha kwavo kwaMushandure vachinonyaradzwa kubva munyatwa yekurohwa.

Sabhuku wemusha uyu, VaFannuel Makuwe (64), avo vanovazve mwanakomana kuimba huru yemhuri iyi — vanoti havazive kuti nyaya iyi iri kumbokonzerwa nei.

“Baba vedu vaiva nemadzimai maviri, ini ndiri wekumba huru, asi dambudziko iri riri kumba kwaamainini chete. Kwatinofamba tinonzi ndibaba vari kumuka vachirwisa mhuri iyi — isu hatizive kuti nechikonzero chei. Zvinongonzi kune munhu akacherera mushonga paguva pababa kumutsa mweya wavo,” vanodaro sabhuku.

Vanoti misha yevemhuri yavo yevanhu vanokwana vashanu haisisina vanhu nekuda kwemoto uyu nekutemwa nematombo.

“Amai nevamwe vazukuru vakatizira kuchechi uko vave kugara, imwe mhuri yakaenda kwasekuru hanzvadzi yaamainini — kwasekuru Talent Kwangwa, kwaSabhuku Chisango, uko vave kugara,” vanodaro Sabhuku Makuwe.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumhuri iyi, Sekuru Bonface Katerere kwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti pamusha apa panogona kunge paine akashereketa akatsvaga mushonga wekupfuma uyo wapanduka.

“Vanhu ava ngavatsvage zvakaitika chaizvo. Panogona kunge paine akatsvaga mushonga wekuita mari, wekamhuka kaye kanonzi sandawana — ndiko kanopisa misha seizvi. Vanhu ava ngavangwarire nekuti kachazogumisira kauraya vanhu vakanonoka kugadzirisa nyaya iyi,” vanodaro.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0776 419 710, 0773 928 500 kana 0773 540 387.

Share This:

Sponsored Links