Mushonga ipenzura

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza —
17. KUBVA muna Mutakunanzva Wenhetembo, sarudza nhetembo imwe chete yawakafarira. Zvino chitsanangura zvizere zvinoita kuti uifarire wakanangana nezvainoreva pamwe nemashandisirwo ezvidavado. [25]

Nhetembo yandakafarira inonzi Dzidza mwanasikana, yakanyorwa naNyevero Maruzani.

Chandinofarira mudetembo iri ndechekuti nyanduri anondirayira kuti ndinofanira kudzidza kuti ndiite upenyu hwakanaka sepaanoti, “Kuti upiwe mikana yebudiriro, mushonga ipenzura nebhuku.” Ndinonzwa kufara nyanduri paanondirayira kuti upenyu hunoshandirwa sepaanoti, “Ziva kuti upenyu idikita.”

Mudetembo umu ndinofarira kuti nyanduri anondishuvirawo kuti ndiite fundo yepamusoro-soro sezvakaita vamwe sepaanoti, “Sevamwe vana, pindawo mumafomufomu imomo, utevedze gwara ramadhigirii.” Nyanduri uyu ndinomuda nekuti ane chivimbo neni chekuti nekufamba kwenguva ndichabudirirawo zvakanyanyisa muzvidzidzo sepaanoti, “Nerimwe zuva uchaverengwawo pakati pavanamuzvinafundo.”

Ndakafarira dzidziso yekuti pane mamwe mapoka anokwanisa kundibatsira kupinda chikoro sepaanoti, “. . . kuUnited Nations nemasangano akazvimirira ega batsiro izere kuitira dzidzo yako.” Ndinonzwa manyukunyuku nyanduri paanondiudza kuti ndine mukana wakakura wekuendawo kuzvikoro zvefundo yepamusoro nekuti zvave kurerutsira ini mwanasikana sepaanoti, “Kumayunivhesiti zviga zvekutorwa kwevanasikana zvakaderedzwa kuitira dzidzo yako.”

Ndakayemura nyanduri nekushandisa chidavado chechikuwo achindikurudzira kuti ndifunde sepaanoti, “Dzidza mwanasikana, dzidza!” Ndakafarira nyanduri uyu paanoshandisa chidavado chemubvunzonhando achindiyambira kuti ndingwarire vamwe vanhurume vane utsinye sepaanoti, “Chenjerera vaya verudo hwamanyepo, hanzi umbirimi hwei munhukadzi?”

  1. Sarudza nhetembo shanu dzanyanduri mumwe chete wawakafarira muna Mutakunanzva Wenhetembo. Zvino chiratidza unyanzvi hwake pakushandisa zvidavado munhetembo imwe neimwe yawasarudza. [25]

Nyanduri wandinoti inyanzvi pakushandisa zvidavado ndiAlouis T. Sagota, nenhetembo idzi; Machinda handikuvandirei, Sarudzo yako ipfimbi, Pasi pamera honye, Kumaruva kwedu uye Mapoto kupisa.

Mudetembo Machinda handikuvandirei, nyanduri anoshandisa chidavado chefananidzo sepaanoti, “Kuvanzirana kuvanda sekusazivana.” Nyanduri anotipa chidavado chetsumo sepaanoti, “Kakara kununa nhasi hudya kamwe.” Nyanduri anoshandisazve chidavado chenhapamazwi sepaanoti, “Rwiyo rwumwe rwaingova rwokuti ‘tiri tose.’”

Kubva muna Sarudzo yako ipfimbi, nyanduri anoshandisa chidavado chenyaudzosingwi sepaanoti, “Kitiri kitiri gu-u!” Nyanduri akashandisa chidavado chemubvunzonhando sepaanoti, “Nhasi wazviona kuti kunyarara hakusiri kutaura?” Ndakafarira nyanduri nekushandisa chidavado chedimikira sepaanoti, “Chirega ruzha tione kunowira tsvimbo nedohwe.”

Mudetembo rake retatu rinonzi Pasi pamera honye, nyanduri akashandisa chidavado chehwevazwi sepaanoti, “Vakuruwe-e, pasi rino zvino rokara madhora!” Nyanduri anoshandisa chidavado chemubvunzonhando sepaanoti, “Madhora apizve ini ndichitsvagazve madhora?” Nyanduri akashandisa chidavado chetsumo sepaanoti, “Apunyaira haashayi misodzi.” Ndinoyemura nyanduri nekushandisa chidavado chehochekoche yemhesano neyekumagumo sepaanoti,

Ko, ndaigozivei kuti vanodazve madhora,

Madhora apizve ini ndichitsvagazve madhora?

Mune rimwe detembo rinonzi Kumaruva kwedu, nyanduri anoshandisa chidavado chechikuwo sepaanoti, “Chokwadi tisakanganwa kuti murombo munhu!” Ndinofarira nyanduri nekushandisa chidavado chetsumo sepaanoti, “Chokwadi, murombo haarove chine nguwo.” Ndinoyemura nyanduri uyu paanoshandura urongwa hwemazwi sepaanoti, “Dzotorwa hedzo, kudzimba dzemasabhuku dzoenda.”

Muna Mapoto kupisa, nyanduri anoshandisa chidavado chedimikira sepaanoti, “. . . ndakazvionera pamhuno sefodya.” Nyanduri anoshandisa chidavado chenyaudzosingwi sepaanoti, “Kugara kwese ndakangoti nde-e.” Ndinofarira nyanduri uyu paanoshandisa chidavado chemubvunzonhando sepaanoti, “Kutora wangu mwana kuita wenyu?” Nyanduri anoshandisa chidavado chechikuwo sepaanoti, “Kana tsvakirai kuno hayo, handingaioni!”

Ndinoyemura nyanduri nekushandisa chidavado chetsumo sepaanoti, “Chisi hachiyeri musi wacharimwa.” Nyanduri anoshandisa chidavado chenhapamazwi sepaanoti, “‘Ndipei twekwangu nhasi ndinotwuda.’” Nyanduri anoshandisa chidavado chehochekoche yekumavambo sepaanoti,

Dai ndakaziva,

Dai ndakaroora!

Uwandu hwenhetembo dzinodiwa nemibvunzo hunosiyana. {Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo ugoratidza mashandisiro avanoita zvidavado.} [25]

Share This:

Sponsored Links