Musikana akachipa semachips

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views

Kwayedza

MWANASIKANA wangu aive mudiki. Musikana ane makore 15 chete. Pandakatanga kumuziva, akanga achiuya kuSunday School kwandaidzidzisa.

Mazuva iwayo akanga achiri mwana. Ndaiti ndikamutsiura, aitsikitsira pasi nenyadzi. Kana kupindura mibvunzo yandaibvunza vana vangu kuSunday School ainyara.

Aingovewo mwana wandaiona kuti achiri mwana anoda kubatwa ruwoko, achiri kukura nekuedza kunzwisisa nyika nehupenyu. Ndizvo zvaiita kuti ndidzidzise vana vangu neshungu. Ndaida kuti vazive hupenyu. Saka mwanasikana wangu ndaitomupawo basa revana reSunday School nekuti kwandiri akanga ari mwana. Ndinodaro nekuti nyangwe pandaimubvunza mibvunzo, mhinduro dzake dzaitomborasika sezvinongoitawo vamwe vana. Asi ndakanga ndisina basa nazvo nekuti kurasika uchidzidza nekutsvaga chokwadi hakusi kurasika kunotyisa.

Mazuva anofamba kunge makumbo ezongororo anotsvaira pasi. Mukoma wangu Charles Mungoshi vakati, “Ndiko kupindana kwemazuva.” Zvishoma nezvishoma takaona mazuva achiita masvondo, mwedzi, gore richibva rapera.

Mwana wangu akanga ave kuenda kunoita Fomu 3. Asi pazororo refu raZvita, akaenda kunogara nasisi vake. Akanga ave kuonekwa pano nepapo. Ndakazotya zvekusara mwoyo wangu wanyauka kunge kenduru riri kutsva.

Ndakanzwa kuti mwanasikana wangu akanga asisadzoke kuzodzidza nezveshoko raMwari kuSunday School. Akanga atizira asina nhumbu uye asina kudzingwa kumba nevabereki vake.

Nazvino ndikazvifunga ndinodyika mwoyo. Asi ndave kudzokera kumashure, ndinoona kuti ichokwadi kuti pane chariuraya, zizi harife nemhepo. Uye zviri pavanhu, zvitanda hazvifambe zvega.

Mwana wangu asati azoenda kunotizira, ndine chinhu chandakanga ndave kuona paari. Kubva paakanga aenda kunobatsira mukoma wake akanga asununguka kuchengeta mwana, akanga ave nekuziva mucheno kwakadarikidza zera rake.

Kana nenguva dziri kure paaiuya kuSunday School akanga ave kunogara nevamwe vechidiki akapakata kahendibhegi, akapfeka gogo refu, musoro uine weave uye chiso chakazorwa powder, kugerwa tsiyo nemiromo yakatsveterwa nelipstick.

Ndakabvunza kuti mwana wechikoro akanga achiwana kupi mari yekutenga zvinhu zvose izvi, ndikanzi nevabereki vake, “Hameno kwasisi vacho kwaakashevedzwa kuti anobatsira kuchengeta mwana.” Ini ndakambofungira kuti asi babamukuru vake ndivo vari kuita zvese izvi.”

Izvi zvakandipa kuti ndityire kuti mwana anogona kuzopedzisira ateyewa nababamukuru. Mazuva akafamba, ndichiona kusuduruka kwemwana wangu. Pandaida kutaura naye, akanga asisasununguke, asi akanga ave kuti ndikamubvunza, haandipindure. Aingoramba akanyarara kunge aiti, “Muchaneta neni mukandisiya zvenyu.”

Asi chairwadza ndechekuti vabereki vake vairatidza kumutya kana kusave nechokwadi chekuti voita sei naye. Saka shoko parakazouya rekuti atizira, kana nepfungwa dzangu dzakambotizawo. Ndakave nemibvunzo isingapere.

Mwana ane makore 15 anoenda kumurume achisiira chikoro panzira? Kana aenda kumurume iye ari mwana akadaro, anonoitei? Ko kana ukatengerwa hembe, weave, phone nemukomana ndihwo hupenyu here iwe usina chikoro kana kupa muviri wako mukana wekuti ukure?

Ko kana ukangosangana nemukomana anotenga machips, iwe wovhurira muviri wako kwaari, roora rave machips here? Ko muviri wako wachipa semachips sei nhai mwanasikana? Ko kumboendawo kuNew Start Centre zvako? Ko kumbokurawo?

Imba inorwadza nyangwe vakadzi vakuru chaivo. Kumhanyira kuroorwa pamakore 15 kune rufu. Mwari havana kuti vana vacharoorana, asi vakati, “Murume anofanira kusiya baba naamai vake, anamatire kumukadzi wake, vave nyama imwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>