Musikana webasa akabviswa mbatya

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUSIKANA webasa wekuDema anoti akambunyikidzwa nemwanakomana wemunhu waaishandira kuburikidza nekumurova, kumubvisa chipfeko chemukati uye kumubata mazamu mushure mekunge aregedza kumusiira chikafu.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, Yeukai Chigodora akati musungwa Gilbert Tapiwa (34) adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa18 Nyamavhuvhu munguva dzehusiku, Tapiwa akadzoka kumba achibva abvunza Moline Nkonde (19), uyo anove musikana webasa kwaive nechikafu chake asi akataurirwa kuti pakanga pasina sezvo vabereki vake vakange vamuudza kuti asamubikire.

Anonzi akabva ashatirirwa nazvo ndokubva amukanda mbama pamwe nekumurova nezvibhakera muviri wose.

Tapiwa anonzi akataurira Nkonde kuti akanga ava kunomukiira mumba kuitira kuti asawana mukana wekunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Nkonde anonzi akabva amhanya ndokutora makii achibva aapfekera muchipfeko chake chemukati. Tapiwa anonzi akazomubvisa chipfeko chemukati ichi ndokutora makii aya uye panguva imwe chete iyi akabva amubata mazamu.

Mushure mezvo, Tapiwa anonzi akasiya akiira musikana uyu mumba izvo zvakaita kuti afonere murume anochengetedza pamba apa anova akaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mapurisa anonzi akazvikowana musikana uyu akavharirwa mumba uye mushure menguva vachitsvaga Tapiwa, vakazomuona ava pamba ari mushishi kukiyinura musuwo vachibva vamusunga.

Matsamba ekwachiremba akavheneka mumhan’ari akabudiswa mudare seumboo.

Share This:

Sponsored Links