Musoro wembudzi kunaka!

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Musoro wembudzi kunaka!

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka 

NYAMA yemusoro wembudzi inonaka zvikuru uye kazhinji kacho inoda kudyiwa zvayo munhu wakadzikama nekuti imwe unenge uchitoita yekunon’ona mukati mebhonzo.Svondo rino VaKelvin Chinenzura vekuChimanimani vanotsanangura pamusoro pemabikirwo enyama yemusoro wembudzi.

Zvinodiwa:

Kana uchiita yekutenga, tenga musoro wembudzi muzvitoro zvakanyoreswa kana kuuraya yako.

Bvura musoro wembudzi pamoto woupara zvakanaka.

Chigeza musoro uyu kusvika wachena uchikonora munzeve nemukanwa asi yeuka kuti rurimi rwunofanira kubviswa ganda repamusoro.

Wozodii?

Tsemura musoro nepakati pemuromo.

Chikanda muhari kana mupoto zvakadaro wosiya zvikwate mumvura yakaringana. Kuibva kwenyama iyi kunoonekwa nekubva kwayo pamabhonzo.

Kana mvura yave shoma, cheka hanyanisi nematomatisi ukande pamwe nekuisa munyu nemafuta mashoma. Kana uri musoro wembudzi yakakora, usaise mafuta.

Siya zviibve wozobura wonakirwe. Musoro wembudzi unodyiwa nesadza jena, rezviyo, remafunde kana remhunga.

Vamwe vanoda kudya nyama iyi yakadaro nekamhiripiri parutivi.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey