Uncategorized

Musoro wemunhu, handi wegudo: zrp

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Musoro wemunhu, handi wegudo: zrp Mubatsiri wamambo, VaNever Chikunda, vachiratidza dehenya remusoro wemunhu

Kwayedza

Nyore Madzianike ari kwaMUTARE
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ongororo yavakaita padehenya rakawanikwa riri mumunda kuArda Transau, kwaMarange, inoratidza kuti ndere munhu, kwete regudo sezvinotaurwa. Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Luxon Chananda, vanoti hapana munhu ati asungwa zvichitevera kuwanikwa kwedehenya remunhu iri.

“Inyaya yekuwanikwa kwedehenya remunhu asi hapana mhosva iri kupomerwa munhu kuti akawanikwa achichengeta dehenya iri,” vanodaro.

Vanoti ongororo yakaitwa haina kujekesa kuti dehenya iri nderemusoro waani, nokudaro mapurisa achaona kuti ravigwa zvine chiremerera.

Dehenya remunhu iri rakawanikwa mubindu raBrighton Shinga mushure ndokuzoitwa ongororo, zvikaonekwa kuti rainge rabva mumunda waHebert Mukura uri kunzvimbo yeTenzi Mavhima.

Pane fungidziro yekuti dehenya iri range richishandiswa nemishonga pakutyisidzira makudo muminda kana kuti sedivisi rekusimudzira goho.

Svondo rapera pamberi, dehenya iri rakaendeswa kudare raMambo Zimunya uko Mukura neaimbova mushandi wake, Hoseah Muzaniweti, vakashevedzwa kuti vatsanangure kuti sei rakawanikwa mumunda mavo.

Zvichakadai, Mambo Zimunya vanoti vacharamba vachitevedza nyaya iyi uye vanoda rubatsiro rwaMukura naMuzaniweti apo vachazoita chivanhu mukutsvagurudza chokwadi munyaya iyi.

“Kana mapurisa apedza basa rawo, tichazoitawo chivanhu chedu kuti tione kuti chii chakaitika kumurudzi wedehenya iri,” vanodaro mambo ava.

Kune nyaya dzine dzekupondwa kwevanhu vachishandiswa mune zvemishonga mudunhu iri zvichitevera kungoshaikwa zvisina tsarukano kwevanhu vatatu munharaunda iyi.

Mukura naMuzaniwetu vanobvuma kuti vanga vaine dehenya iri mumunda mavo kwemakore maviri adarika uye vanoti vaifungira kuti igudo.

“Ndakatanga kuuya kwaOdzi muna2015 pandaishanda mumunda waMukura mumwedzi waMbudzi apo ndakaona dehenya iri. Pandakasimudza dehenya iri, raiburitsa mweya wainhuwa zvikuru izvo zvakaita kuti ndiritsvete pasi.

“Ndakafunga kuti raiva regudo. Ndakasiya dehenya iri pasi ndikaenderera mberi nebasa rangu. Ndakaramba ndichiriona kwegore rose asi handina kumbofunga kuti ringaite remunhu. Pese apa, ndaingofunga kuti ndere gudo,” anodaro Muzaniwetu paakamiswa mudare raMambo Zimunya.

Paakabvunzwa naMambo Zimunya kuti sei aichengeta dehenya iri mumunda mavo, akamboramba anyerere.
Muzaniwetu anoti akambosangana nechipoko pamusha paMukura, icho anofungidzira kuti chine chekuita nedehenya iri.
Mukura anotiwo akangoziva nezvedehenya iri mumwedzi waNdira gore rapera uye aifungidzira kuti ndere bveni.

“Ini ndinogara kudhorobha, saka ndinopota ndichienda kumunda kwangu. Gore rino, ndakawana dehenya iri rabviswa rava pane imwe nzvimbo zvisinei nekuti ndaigara ndichiriona riri kumucheto kwemunda wangu.

“Pandakabvunza Muzaniwetu akatoseka achiti raive dehenya regudo. Ndakazotodzidza kuti raiva remunhu mumazuva mashoma adarika,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey