Uncategorized

Musoro weshato uri kushaikwa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Musoro weshato uri kushaikwa

Kwayedza

Daphne Machiri —
ZINYOKA rerudzi rweshato iro rinonzi nevagari vekuHatcliffe, muHarare, raiita tsika yekuzambira mushana panzvimbo yeko inozivikanwa seConsortium, rakazouraiwa neveruzhinji musoro wacho ukatsakatika.

Hapana ari kutaura kuti musoro weshato iyi wakatorwa nani uye nechinangwa chei. Vakataura neKwayedza mumusha unogara veruzhinji uri pedyo neBorrowdale uyu vanoti vanga vashungurudzwa neshato iyo yaitozivikanwa kuti yaibuda mumvura mangwanani oga-oga nenguva dza10, yoswera yakavandarira zuva izvo zvinonzi zvange zvave nenguva yakareba zvichiitika.

Nemusi weSvondo wadarika, shato iyi inonzi yakazotemwa nemabwe ikafa mushure mekunge yaenda pane imwe imba. Pasi pemutemo yemuZimbabwe, shato haitenderwe kuuraiwa uye anotyora murawo uyu anosunga.

CHENJERAI KARUMAZONDO ARI PAMBA PAKE PAKASVIKWA NE NYOKA

Muhurukuro naVaChenjerai Karumazondo (47), avo vanova muridzi wepamba pakaurairwa nyoka iyi, vanoti yakasvika pamba pavo iine hukasha zvichikonzerwa nekutemwa kwayaiitwa nevanhu vakazoiuraya.

“Nyoka iyi yange yanetsa nekuchinja nzvimbo dzayaivandarira mushana mazuva ose mushure mekuchekwa nekupiswa kwesora repayaigara. Chimwe chandinofunga kuti chakaitika kuti isvike kuno pamwe yakanzwa hwema hwehuku netsuro dzandinochengeta pano.

‘‘Ndizvo zvakaita kuti iuye ndokuonekwa husiku nevaibva kubhawa avo vanonzi vakambofunga kuti raiva danda nekuda kwekukura kwayaive yakaita.

“Payakazoonekwa yava muzasi memba yangu, vanhu vakaungana vakaitema nematombo kusvika yadamburwa musoro asi hatina kuona kuti musoro wayo wakaenda kupi,” vanodaro VaKarumazondo.

Vanoenderera vachiti semaonero avo, nyoka iyi inogona kunge yakange yave nemakore anosvika masere okuberekwa.

“Nyoka iyi yakakura zvekuti kuuya kwayo yaiva ichida kubata chekudya chihombe nekuti kudhamu kwayaigara hakuna chekudya chaigona

kuigutsa. Ndingadai pamwe ndirini ndakabatwa nayo nekuti ndakatomuka mushure mekunzwa ruzha vanhu vave kuitema-tema iri muzasi meimba yangu.”

Mashoko aVaKarumazondo anotsinhirwa naFungai Jindu (36), uyo anoti aivepo pakaurayiwa nyoka iyi.

“Nyoka iyi yaionekwa panzvimbo imwe chete iyi kudzimara yazotemwa nekuti yaiva yava kupinda mudzimba dzevanhu. Chimwe chiri kutinetsa ndechekuti nyoka iyi yakamboonekwa iine dzimwe mbiri dzine ruvara rwegreen neimwe shato diki zvairatidza kuti mwana wayo.

‘‘Padhamu paigara nyoka iyi panoita chamupupuri chinotyisa zvekuti kana uri pedyo unotogara pasi kuti usadonha kana kutorwa nacho,” anodaro.

Jindu anoti sevagari venzvimbo iyi, havachanzwisisa zvinoitika padhamu iri sezvo paine muporofita anonzi Bishop Oliver Magaso anotungamirira chechi yeSpiritual Shield Apostolic Church uyo ane katsika kekutuma vanhu vaanenge achishandira kuti vanokanda kana kurasirira zvinhu zvemweya ye- tsvina mudhamu iri.

“Zvakare mudhamu umu rimwe zuva takaona makafa hove dzakawanda dzakaungana pachikona tikatofungidzira kuti inyoka iyi,” anodaro.

Zvisinei, Bishop Magaso vanoti dhamu iri rinogona kunge riine njuzu nekudaro ndiyo inenge ichikonzera kuti paitike chamupupuri chakasimba. Vanoti ichokwadi kuti vanhu vavanoshandira vanonorasira zvimwe zvinhu zvemweya yakaipa mudhamu iri.

“Ini semunhu waMwari ndinobatsira vanhu vane matambudziko akasiyana-siyana.

‘‘Nyoka zvipuka zvinofambawo sekubhururuka kunoita shiri. Iyi nyoka yakauraiwa yakange ichifambawo.

‘‘Asi nekuda kwekuti vanhu vandinonamatira vanoenda kunorasira zvinhu zvemweya yakaipa kuti idzokere kuvaridzi vanoroya, aya anonzi ma’Go Back to Sender’, vanhu vanodzoka votya zvakare nepfungwa dzagara dziri muvazhinji maererano nechipositori,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links