Mutambi mukuru

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza

Kwandiri mutambi mukuru ndiPondai nekuti anopikisa mambo vake. Tinozviona zuva rinogarwa dare pamuzinda waMambo Chakaingesu vachida kusuma machinda nen’anga dzavo nezvenyaya yekuti vaende kunoratidza Karinge ninga yairadzikwa madzimambo avo. Pondai ari ega anopokana nazvo achiti Karinge aive asati anyatsokura zvekuratidzwa ninga yemadzimambo.12. Ndiani waungati ndiye anokodzera kuva mutambi mukuru muna Museve Usingapotse? Tsigira nezviito zvake zvisere. [25]

Mutambi mukuru ndiPondai anotsvaga hondo yekurwisa Mambo Chakaingesu. Izvi tinozviona paanorumwa nechinyavada ari musango kupotera kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agopamba umambo hwavo asi achinyepa kuti vainge vapamba umambo hwababa vake zvinoita kuti Mambo Mupambi vazokwanisa kumubatsira.

Mutambi mukuru ndiPondai anouraya Mambo Chakaingesu. Izvi zvinobuda paanovafuta vachibva kuninga yaivigwa madzimambo avo vachimhanyira kunorwisa mauto aMambo Mupambi aive pedyo nemuzinda wavo. Anovabaya nemuseve pabendekete vachibva vangoti pfurugwada pasi ndokuzovapedzisa nemimwe gumi.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

TAMBAOGA MWANANGU

1. Tsanangura muchidimbu, zviito zvishanu zvinodudzira musoro wekuti Tambaoga Mwanangu. Tsigira nezvinoitwa naTambaoga mushure merufu rwababa vake. [25]

Vadzidzi ratidzai zvinhu zvakaitwa naTambaoga chete zvinotsigira musoro webhuku. Kana muchipindura mibvunzo yemabhuku munotanga nekudoma pfungwa inoenderana nezvinenge zvichidiwa nemubvunzo mozopa tsigiro (zvinotaurwa murungano). Zvino pakupindura mubvunzo wese unonangana nemusoro webhuku munofanira kutanga nekutsanangura zvaunoreva sekunzwisisa kwenyu asi musingashandise tsumo, madimikira nemimwe mienzaniso inobva murungano.

Zvinoitwa naTambaoga zvinotsigira musoro webhuku ndeizvi; kuviga baba vake ari oga, kugara oga musango, kuvhima mhondi dzakauraya baba vake ari oga, anouraya mhondi dzakaponda baba vake, anofunga mazano ake oga.

2. Ndezvipi zviitiko zvisere zviri muna Tambaoga Mwanangu zvinoratidza kuti VaMombeshora naVaZinwamhanga vaive nechekuita nekupondwa kwaMambo Mupakaviri? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Munotanga nekudoma chiitiko chinoratidza kuti VaMombeshora naVaZinwamhanga vane zvavaiziva maererano rezverufu rwaVaMupakaviri mochipa tsigiro. Zvimwe zvamunogona kutaura ndeizvi; kutya kwaVaZinwamhanga vaona mutambo waTambaoga naTapiwa, kudedera kwaVaMombeshora vanzwa VaZinwamhanga vachirondedzera mutambo waTambaoga naTapiwa kumamwe makurukota, kufamba vari vaviri vachienda nemamwe makurukota kuMaringa kuninga yaivigwa madzimambo, umbowo hwavanopa vachitsigirana kuedza kudzimaidza Tambaoga vachimupomera mhosva yekuuraya baba vake, VaZinwamhanga vanonyepera kufarira Tapiwa paanoita seanovenga Tambaoga, tinonzwa naVaMuchadii kuti ushamwari hwavo hwakanga hwanyanyisa, vanoronga zvekunotora mauto ekuchengetedza pamuzinda kuChirichoga uye kutiza kwaVaMombeshora vaona denderedzwa reropa nemuseve mutsvuku pakati vachienda kuchirichoga kunotora mauto. Munofanira kuti mukapa tsigiro mozoenderera mberi muchiratidza kuti sei mati vaviri ava vaive nechekuita nekupondwa kwamambo.

3. Ndezvipi zvinoitika muna Tambaoga Mwanangu zvaungati hazvitendeseki muupenyu hwedu VaShona? Tsigira zvizere. [25]

Chinhu chisingatendeseki hachina chokwadi mukati maererano neupenyu hungararamwe nemunhu chaiye sekumuziva kwedu kazhinji iwedzeredzo yemamiriro ezvinhu. Apa panoda zvinhu zvisere sekuti; kunzwa izwi remushakabvu kuhope, kukotsira kwaVaMupakaviri musango, kuwana musiwo weninga kunoitwa naTambaoga, kuviga baba vake oga, kushaya waanoudza nezverufu rwababa vake paanobva kunovaviga kuMaringa, kurwa neshumba neingwe munhu achiikurira, kupoya kunoita VaZinwamhanga muninga, kuumba chiumbwa kunoitwa naTambaoga mugota make, kukandwa kwemiseve naTambaoga achivhundutsira VaMombeshora, rungano rwunopiwa naVaMombeshora vambotemwa nemubato wepfumo vachirovera pasi nemuromo, kubaiwa kwaChigiya nemuseve naTambaoga nezvimwewo.

Mhinduro dzemibvunzo iyi dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

 

Share This:

Sponsored Links