Mutambo wesoftball worongwa

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mutambo wesoftball worongwa Stonard Mapfumo

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Softball Association rinoti riri kuronga mutambo weZimbabwe Tertiary Institutes Men and Ladies Softball Tournament uyo uchaona zvikwata zvemuno zvichikwikwidzana nezvekunyika yeBotswana.

Mutambo uyo uchatambirwa paBelvedere Technical Teachers College, muHarare kubva 23 Kurume uchizopera musi wa24.

Mutungamiri weZimbabwe Softball Association, Stonard Mapfumo, anoti vakaronga mutambo uyu nechinangwa chekusimudzira softball mumakoreji nemayunivhesiti.

“Kubva makore adarika, mukazvitarisa mutambo wesoftball wasimuka zvikuru uye wave mumakoreji nemayunivhesiti saka tiri kuronga mitambo yakawanda nezvikwata zvekunze kwenyika kuti mutambo uyu urambe uchikura.

“Mukukwikwidza nezvikwata zvekunze, zvinobatsira zvikuru kuti vatambi vedu vemuno vagosimukira uye tikwanise kugadzirirsa apo tinenge tichikanganisa,” anodaro Mapfumo.

Anoenderera mberi achiti tarisiro yesangano ravo kutumira chikwata chavo kumitambo yemaOlympics mugore ra2020 nekudaro vacharamba vachironga mitambo yakawanda nezvikwata zvekunze.

“Softball yave kukwikwidzwa kumaOlympics zvinove zvinhu zvinofadza zvikuru saka isu sesangano tinoda kutumira chikwata chedu kumitambo iyi nekudaro tiri kushanda nesimba kuti zviitike.

“Kuburikidza nemitambo yakadai, tinenge tichivaka chikwata chedu  chakasimba,” anodaro Mapfumo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>