Mutambo wezizama worongwa

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union rakasangana svondo radarika musi weMugovera kuGweru apo raiita gadziriro dzemutambo weZimbabwe-Zambia-Malawi (ZIZAMA) Games uyo uchatambirwa muno gore rinotevera. Zimbabwe ndiyo yakapihwa chiremerera chekuronga mutambo uyu, uyo uchaona zvikwata zvekuZambia neMalawi zvichiuya kuzobandana nezvemuno mumitambo inoti nhabvu, netball, volleyball, basketball, judho, tsiva, golf nemujaho wekumhanya.

Mutungamiriri weZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union, iyo inozivikanwa seZITISU, Martin Zibwi, anoti svondo radarika vakakurukura pamusoro pebhajeti remari inoda kuzoshandiswa pamakwishu aya.

Mitambo iyi inokwikwidzwa nemakoreji anodzidzisa varairidzi, mapolytechnics pamwe nemayunivhesiti.

“Musangano wedu wakafamba mugwara chairo, takagadzira bhajeti iro rakataona kuti richatibatsira kuronga mutambo weZIZAMA uyo uchatambirwa muno gore rinotevera. “Tisu takapihwa chiremerera chekuronga mutambo uyu saka ticharonga uchanakidza zvikuru.

“Bhajeti takarigadzira iro ratakaona kuti ringatibatsire kuronga mutambo uyu uye ticharitumira kubazi rezvemitambo pamwe nekumasangano akasiyana kuti rigonopasiswe.

“Kana rabvumwa kuti rinoita, aiwa tinenge tave kufambisa basa sebasa,” akadaro Zibwi.

Share This:

Sponsored Links