Mutasa akapotsa atiny’udza: DeMbare

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mutasa akapotsa atiny’udza: DeMbare Lloyd Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka
MWAKA wenhabvu wa2018 uchagara mundangariro dzevatsigiri veDynamos sezvo gore rino chikwata ichi chakapona nepaburi retsono kuburitswa muCastle Premiership League.

Dynamos mwaka uno haina kutamba nhabvu yainozivikanwa ichitamba makore ese izvo zvakaona chikwata ichi chichisvika pakushandura varairidzi kanokwana kana.

Pekutanga, DeMbare yakadzinga Lloyd Mutasa ndokumutsiva naBiggie Zuze asi ndokuzomudzinga zvakare ichidzosa Samaita – sezita raMutasa remadunhurirwa – uye ndokuzomudzinga kechipiri achitsiviwa naLloyd Chigowe.

Zvese izvi mumaziso amaneja wechikwata ichi Richard Chihoro anoti zvakakonzereswa naMutasa uyo waanoti aive nehumbimbindoga asingade kushanda nevamwe kana kuteerera mazano aaipihwa pamusoro pechikwata ichi.

“Munoziva nhabvu haidi humbimbindoga, kuti ndiwe unoziva kudarika vamwe vese! Kwete, hazvidi kudaro.

“Nhabvu inoda mushandirapamwe, kana muchida kuhwina munofanirwa kushanda semhuri. Manje Lloyd aisada izvozvo aingoda kushanda ari ega,  asingateerere vamwe.

“Takapotsa tanyura nekuda kwake kusateerera achifunga kuti ari kugona iye pasina zvaaiita,” anodaro Chihoro.

Richard Chihoro

Nyoka, sezita remadunhurirwa raChihoro, anoti Chigowe akauya ndokushandisa vatambi vakasiiwa naMutasa akabatsira kuti chikwata chipone.

Anoti DeMbare inofanirwa kunge ichirwira mukombe kwete kurwira kupona kuti isaburitswe mupremiership.

“Mukatarisa, pakauya Chigowe haana kutenga vatambi asi akangoshanda nevakasiiwa naMutasa. Asi, semunhu anogona kushanda nevamwe basa rakafamba zvakanaka ndokubatsira kuti chikwata chipone. DeMbare haifanirwe kunge ichirwira kusaburitswa muligi asi mukombe yese.

“Zvino gore rapera pasina chatakabata uye hatina kana mutambi pamaSoccer Stars chaipo,” anodaro.

Svondo rino, mutevedzeri wemurairidzi weDynamos Murape Murape akati Mutasa akange atenderedza pfungwa dzevatambi vechikwata ichi zvekuti paakadzingwa vazhinji vacho havana kufara nazvo.

Anoti chikwata ichi chikuru kudarika vatambi vacho saka hapana ane kodzero yekusarudza kuti anoda kutamba nekuti pane murairidzi nhingi waanenge achifarira, asingade vamwe.

“Chakutanga, takatora chikwata chaive chine vatambi avo vainge vakarerekera kuna Samaita kudarika chikwata. Vatambi ava vaifunga kuti Mutasa aisafanirwa kudzingwa basa.

“Tese takatambira Dynamos uye tikahwina zvakawanda asi hatifanirwe kushandura chikwata kuchiita chedu sekereke uko tinoti ndinotevera mufundisi uyu.

“Vatambi ava vachiri vakarerekera kune murairidzi uyu uye mukatarisisa vakamboshanda naye murairidzi uyu kune zvimwe zvikwata makore mashanu adarika,” anodaro Murape.

Zvakadaro, Kwayedza yakaedza kunzwa divi raMutasa pamusoro penyaya iyi asi aisadaira nhare yake kana kupindura mibvunzo yakatumirwa patsambambozha yake kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino nemusi weChitatu chino.

Share This:

Sponsored Links