Uncategorized

Mutemo wakavandudzwa

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mutemo wakavandudzwa Information, Publicity and Broadcasting Services Minister Monica Mutsvangwa (left) flanked by Public Service, Labour and Social Welfare Dr Sekai during a cabinet press conference in Harare yesterday. (Picture by Memory Mangombe)

Kwayedza

Farai Machivenyika

HURUMENDE yakavandudza mutemo weStatutory Instrument (SI) 122 of 2017 nechinangwa chekupa mvumo kumakambani neveruzhinji vane mari dzekunze kuti vatenge zvinhu zvinoshandiswa mazuva ose izvo zviri kushomeka nekuda kwemaitiro evamwe vezvitoro vemuno uye nevatengi vari kuita katsika kekuhodha zvinhu izvi.

Danho rekuvandudza mutemo uyu rakatorwa nemusi weChipiri chino zvichitevera musangano wakaitwa nedare reCabinet uye izvi zvakaziviswa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa.

Cde Mutsvangwa vanoti vakafanobata chigaro chegurukota rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana, Dr Sekai Nzenza, vakatura mashoko ari pamusoro pemamiriro akaita nyaya yekuwanikwa kwezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose.

“Kuenderera mberi kwekukwira kwemitengo yezvinhu kwaita kuti vakawanda vatadze kutenga zvinhu izvi,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

“Cabinet yakaona kuti nekuda kwemaitiro evanhu avo vari kungohodha zvavanenge vasingade kushandisa panguva iyoyo, zvinhu zvaimbotengeswa kwenguva inokwana mwedzi wose iye zvino zvave kutengeswa mukati memaawa matatu chete.

“Nekudaro, sedanho rekugadzirisa mamiro ezvinhu aya, Cabinet yakaita chisungo chekuti gurukota rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana rivandudze SI122 of 2017 kuitira kuti vemakambani nevanhu vakazvimirira vane mari dzekunze vakwanise kutenga zvinhu zviri kushomeka kusvikira mamiriro ezvinhu aya agadzikana,” vanodaro Cde Mutsvangwa. Zvinhu zvinokwanisa kutengwa kunze kwenyika zvinosanganisira mafuta ekubikisa, bhinzi remumagaba, mvura yemumabhodhoro, furawa, zvinwiwa, dovi, shuga nemajarini.

Zvimwe zvinokwanisa kutengwa kunze ndezvinoti marata ekuturikira dzimba, mabhara nechikafu chezvipfuyo.

Hurumende yakatora danho iri zvichitevera kuchema-chema kweveruzhinji nekuda kwemitengo yezvinhu iyo iri kungokwidzwa zvisina tsarukano nevezvitoro.

Cde Mutsvangwa vanoti dare reCabinet rakaita chisungo zvakare chekuti Hurumende, kuburikidza nebhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), itsigire nyaya dzekurima, zvikuru soya bhinzi negorosi uye kuti mafuta ezvekufambisa awanikwe nyore munyika.

Share This:

Sponsored Links