Mutendi Primary yave nebhodhingi

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Mutendi Primary yave nebhodhingi

Kwayedza

CHIKORO cheMutendi Primary School, icho chinotungamirirwa naBishop N. Mutendi, chichange chave nebhodhingi kutanga muna Ndira gore rinouya.

Chinowanikwa papurazi riri chinhambwe chemakiromita 50 kunze kwedhorobha reMasvingo mumugwagwa mukuru unobatanidza Masvingo neMutare.

Chikoro ichi chakavakwa nenzira inoita kuti vana vadzidze vakasununguka uye chine makamuri anogara vadzidzi emhando yepamusoro.

Mutendi Primary haina rusarura pakutora vana vanodzidzapo sezvo isingatarise zvitendero kana machechi avanopinda.

Mari inobhadharwa pakudzidza kwevana yakareruka zvikuru.

Chikoro ichi chiri kudzidzisa zvidzidzo zviri mugwaro idzva reNew Curriculum zvakadai seAgriculture, ICT neMass Displays. Mitambo inoitwa paMutendi Primary inosanganisira baseball, chess, basketball, handball, netball pamwe nenhabvu.

Pachikoro apa pane kamuri inodzidzirwa nevana vane matambudziko ekuona zvakanaka.

Kubvira makore adarika, Mutendi Primary ine mukurumbira munyaya dzekubudirira kwevana muzvidzidzo, mumitambo inosanganisira yetsika nemagariro pamwe nekubura vadzidzi vane hunhu hunoyemurika.

Chikoro ichi chine shuviro yekuramba chichisimukira munyaya yedzidzo uye chine vadzidzisi nyanzvi mukufundisa.

Share This:

Sponsored Links