Mutengo weropa waderera muzvipatara

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mutengo weropa waderera muzvipatara Dr Gerald Gwinji (kurudyi) naLucy Marowa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Sangano reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakadzikisa mutengo weropa zvichitevera kupindira kwakaita Hurumende mukutsigira nemari izvo zvave kuita kuti sangano iri rirerukirwe mukufambisa mabasa aro.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rapera pamusangano wakaitirwa kumahofisi eNBSZ muHarare, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Retired Major-General Dr Gerald Gwinji, vanoti Hurumende ine tarisiro yekuti mutengo weropa uderere zvekusvika pa$10 papaindi imwe chete.

“Tinotarisira kuti kuburikidza nemisangano yatichaita seweEmergency General Meeting (EGM) neAnnual General Meeting (AGM), sangano reNBSZ richaramba richideredza mutengo weropa kana vatsigiri vakawanda vakapindira. Mugore ra2015, mitengo yeropa yakadzika kubva pa$135 papaindi ichienda pa$100 muna 2017.

“Nekuda kwerutsigiro rwe$4,7 miriyoni rwakabva kuHurumende, mutengo weropa wakadzika kuenda pa$50 papaindi. Asi kana NBSZ ikaramba ichiwana rubatsiro, mutengo uyu unogona kudzika zvakare zvekusvika pakuti ropa ringe rowanikwa pachena,” vanodaro.

Chamangwiza weNBSZ, Mai Lucy Mary Marowa, vanoti Hurumende yakavatsigira ne$4,7 miriyoni yekubatsira muzvirongwa zvekucheneswa kweropa.

“Zvichitevera rutsigiro urwu, sangano reNBSZ rakaderedza mutengo weropa kutanga musi wa1 Ndira 2018 kubva pa$80 richienda pa$50 papaindi imwe muzvipatara zveHurumende. Muzvipatara zvakazvimiririra ropa riri kutengwa ne$120 papaindi imwe asi tichiine hurongwa hwekuti ringe richiderera kudarika apa,” vanodaro.

Mai Marowa vanotenda rutsigiro rwakabva kusangano reNational AIDS Council rwemari yekutenga zvekushandisa mukuvheneka ropa.

“Muna2017, takawaniswa rutsigiro rwe$350 000 kubva kusangano reNAC inova mari yatakashandisa mukutenga michina yekuvheneka ropa uye muzvirongwa zvekupa ropa zvakadai seWorld Blood Donor Day nePledge 25,” vanodaro.

Mai Marowa vanoti mugore ra2017, NBSZ yakawana mapaindi 63 029 eropa pachinzvimbo chemapaindi 65 000 avaitarisira. Vanokurudzira veruzhinji kuti vave nekatsika kekupa ropa kuti vabatsire varwere muzvipatara.

“Gore rino tine chinangwa chekuwana mapaindi 70 000 eropa uye nekuderera kwakaita mutengo weropa, zvinoreva kuti huwandu hwevarwere vanoda ropa huchawedzera. Tiri kunyanya kuchema nevanhu vane ropa remhando yeGroup O kuti vange vachipa ropa nekuti riri kushomeka. Vanhu vane Group O ndivo vaya vane ropa rinokwanisa kupihwa munhu wose angava ane Group A, AB kana B. Mamwe magroup eropa aya tinawo akakwana asi Group O riri kuratidza kuva dambudziko,” vanodaro.

Zvakadai, NBSZ ichaita musangano mukuru nevapi veropa bedzi, weExtra Ordinary General Meeting for Blood Donors, nomusi wa3 Kukadzi gore rino.Dr Gwinji vanoti musangano uyu uchapa Hurumende mukana wekuti ione kuti mutengo weropa uderere zvakare zvekusvika pa$10 papaindi kana kudarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>