Uncategorized

Muti wekutaura: ‘Pakafira munhu’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Muti wekutaura: ‘Pakafira munhu’ Mai Mercy Nyandoro

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF
NYAYA yezihunde remuti wekurukisheni rwekuRutendo, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands – iro rinonzi svondo rapera rakadonhedzwa nemhepo yaiva nedutu rikatanga kutaura richirambidza vagari veko kuritemera huni, pashure ndokuzomuka roga ndokumira kuti twi pakare – yave nepamwe.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi kune vanhu vakaita nharo vakatema huni pazimuti remuunze kana kuti mukaya iri, asi vakazoita bararamhanya apo muti uyu wakatanga kumuka woga ndokumira pakare.

Mayor weRedcliff, VaClayton Masiyatsva vanoti mushure memanenji aya, pane chikwata chevanhu vechirudzi chakavashanyira ndokuvaudza kuti panzvimbo ine muti wekuita mashiripiti uyu panogona kunge paine mumwe wavo akatsakatikirapo.

Vanoti vanhu ava vakakumbira kuti vatsvagirwe nzvimbo yavo yavanovigwa voga.

“Handina kunyatsonzwisisa zvavaitaura vanhu vechirudzi ava, asi ivo vanoti vanoda nzvimbo yavo yekuvigwa. Vanoti zvakadai zvinogona kuitika, vachiti vanhu vechirudzi havangovigwa pose pose saka iko zvino vave kuda kutsvagirwa kumakuva kwavo voga,” vanodaro VaMasiyatsva.

Vanoti chikumbiro chevanhu vechirudzi ava vachazochiturira kukanzuru yavo kuti ichizeye.

VaTongai Nyambira (92) – avo vanova mumwe wevechirudzi vachigara muRedcliff – vanoti zvinogona kuitika kuti muti uyu wakamera pakatsakatikira munhu ane shungu dzekuti paakafira hapana hama dzake saka ave kubuda mweya wake pamuti.

“Izvi zvinowanikwa kana munhu akafa aine shungu, anoda kunovigwa pane hama dzake. Zvinoda kufambirwa. Manje zvinonetsa nekuti munhu wacho haana kunge azvitaura kuti ainzi ani kune vanoti vakanzwa muti uyu uchitaura,” vanodaro VaNyambira.

VaAmos Nyandoro nemudzimai wavo Mercy Nyandoro, vanoti ivo vamwe vevakaona muti uyu uchimuka uye vakatotemawo huni pauri.

“Ini ndakatoona muti uyu uchimuka uye ndini ndine vakomana vandakange ndatohaya kuti vanditemere huni pamuti iwoyu. Takazoshamisika kuona muti uya wave kumuka ndikabva ndadeedzera mudzimai wangu kuti aone shura iri,” vanodaro VaNyandoro.

Vanoti havana kuzotora huni dzainge dzatemwa uye nanhasi hana yavo inorova kana vakangofunga nezvechiitiko ichi.

Share This:

Sponsored Links