Uncategorized

Muti woita mashura -Wakatemwa ukamuka -Pashure ukazotaura -Mayor weguta otsinhira

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Muti woita mashura -Wakatemwa ukamuka -Pashure ukazotaura -Mayor weguta otsinhira Zihunde remuti apo raive ratemwa kuitwa huni.

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF
KURUKESHENI rwekuRutendo, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands, kunonzi svondo rapera kwakaitika manenji ehunde yemuti uyo wakadonhedzwa nemhepo yaiva nedutu ukatanga kutaura uchirambidza vagari veko kuti vasauteme huni, pashure ukazomuka woga ndokumira pakare. Zvinonzi kune vanhu vakaita nharo vakatema huni pazimuti remuunze kana kuti mukaya iri, asi vakazoita bararamhanya apo zihunde remuti rakatanga kumuka roga rikamira zvakare.

Mayor weRedcliff, VaClyton Masiyatsva, vanotsinhira vachiti mashura aya akaitika nemusi weChitatu svondo rapera.

“Patakanzwa kuti kune muti uri kutaura uye wasimuka ukamira woga mushure mekunge watemwa mapazi awo nevaida huni, handina kuzvibvuma kudzimara ndazoendawo panzvimbo iyi ndokusangana vevamwe vagari vemuno vanoti ndivo vevamwe vakatema huni pamuti uyu.

“Kutura kudai muti uyu wakatomira kuti twii uye unotoratidza kuti wakatemwa zvekuti rangova zihunde,” vanodaro VaMasiyatsva.

Vanoti vakashamiswa zvikuru nechiitiko ichi uye havaifunga kuti zvinhu zvakadaro zvingaitika.

“Ichi chishamiso muRedcliff. Vanhu vakange vatema huni pamuti uyu zvinonzi vave kutodzorera huni idzodzo,” vanodaro.

Mumwe mugari wemuRutendo, Muzvare Eunice Madhovi, anoti vakatemawo huni pamuti uyu asi vakazonodzidzorera.

“Pakadonha muti uyu, ini ndakaendawo nevamwe tikatanga kutema huni. Vakatanga kusvika vachitema huni pamuti uyu vanoti vainzwa izwi richiti ‘musanditema’.

“Isu patakanotema huni, hatina kumbonzwa inzwi iri asi takazoshamisika kuwana muti uya wamira zvakare uchingori zihunde,” anodaro.

VaRonald Gavi vanoti vakaona zihunde remuti uyu richisimuka. “Ndakashamiswawo nazvo ndikamhanya kudaidza vamwe kuti vaone mashura.

‘‘Handisati ndamboona zvakadai, zvinoda kuti titofamba sevagari vemuno muRutendo tinzwe kuti izvi zvinorevei,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links