Uncategorized

‘Mutori wenhau watyora tsika’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

MUTORI wemifananidzo weKwayedza, Memory Mangombe, akapotsa aripiswa nevakuru vedunhu rekwaSaunyama, kuNyanga, mushure mekunge aendako akapfeka mbatya tsvuku izvo zvinonzi zvinoyera zvikuru sezvo zvisingawirirane nechivanhu cheko.

Mitemo yenzvimbo iyi haitendere vanhu, vangava vakuru kana vadiki, kupfeka zvitsvuku munguva yekunaya kwemvura. Kunyangwe zvipfeko zvemukati chaizvo hazvitenderwe kunge zviri zvitsvuku, uye kana izvi zvikasatevedzwa chinonzi chipini chinogona kuita kuti nyakutyora mhiko iyi asangane namatambudziko akaita sekutetereka.

Mwaka weZhizha wedunhu iri unobvira mumwedzi waGumiguru kusvika Chikumi apo panoshanda muko uyu.

Nekusaziva, Mangombe ainge akapfeka zvitsvuku paakashanyira nzvimbo ndokunzi ainge apikisana netsika dzechivanhu dzekwaSaunyama.

Panzvimbo yekuti mutori wenhau atange ndiye kubvunza zvaainge afambira kwaSaunyama kunaSadunhu Mushonga, iye ndiye akanga ava nhau ndokutambirwa nemibvunzo. “Munoziva here vahanzvadzi (kureva Mangombe) kuti munzvimbo muno hatibvumidze vanhu vanopfeka zvitsvuku muZhizha?” sadunhu vakagashira Mangombe uyo akange angobata muromo.

“Matopara mhosva. Nemapfekero amakaita kudai mange musiri muyenzi mainge motoripa nembudzi mudare raShe Saunyama sezvo vasingabvumidze zvakadai,” vakadaro Sadunhu Mushonga. Vanoti munhu anenge apfeka zvitsvuku munzvimbo yavo munguva yekunaya kwemvura anoripiswa mbudzi senzira yekuchenura mhondoro dzenzvimbo iyi idzo dzavanoti hadzibvumire vanopfeka zvitsvuku izvo zvinonzi zvinotadzisa mvura kunaya. “Wese anotyora chivanhu chedu anoripa kuchenura nzvimbo yedu kuti mvura inaye zvakanaka sezvo kuno tichizivikanwa nekuchengetedza tsika dzedu.”

Kune vanhu vakawanda vanongotsakatika zvekusawanika mumakomo ekuNyanga, kusanganisira wekugumisira, Zayd Dada, uyo ava nechipo chegore pasina anoziva chakamumedza. Dada ainge ashanya nemudikani wake Neelam paakatetereka zvekusazowanika.

Votaura pamusoro pezvimwe zviyereswa zveko, sadunhu ava vakati: “Zvakare mudunhu redu kana munhu achinge arima nezuva rechisi rinova musi weChishanu, zvinoyera. Zvinogona kuita kuti anosvika pamba pake achiwana pakazara nyoka dzerudzi rweshato dzakaita murwi uye dzinogona kupinda mumba. Mucherechedzo wekuti mhondoro dzatsamwa.

“Nzvimbo ino tinokoshesa chivanhu chedu uye hatidi vanhu vanouya vachityora chivanhu chedu tichingovasiya tisingavape chirango.”

Vanoti zvakare vanhu vanoitira zvebonde musango vakangobatikidzwa bedzi vanoripiswa mombe nembudzi pamunhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey