Mutsunga une dovi

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mutsunga une dovi

Kwayedza

MURIWO wetsunga une dovi unonaka zvikuru uye unonzi unopa utano kumhuri pamwe nekudzivirira zvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekudya nyama ine mafuta akawanda.

Svondo rino Sharai Joko wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangura mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Muriwo wetsunga, mafuta, dovi, munyu, matomatisi, hanyanisi nechikari.

Mabikiro:

Geza muriwo usare wachena woucheka muzvidimbu zvidiki.

Cheka hanyanisi nematomatisi wokanda zvose nemuriwo wacho mupoto.

Siya zvikwate kwemaminitsi angaite gumi nemashanu.

Kana mvura yave kupera, isa chipunu chemafuta nemunyu wosiya zvichikwata kwemamwe maminitsi mashanu.

Panguva iyi, unogona kuisa zvipunu zviviri zvedovi wokurunga kusvikira zvanyatsosangana.

Asi, kana uchida une mafuta bedzi, unoregedza kuisa dovi.

Zvadaro, chibura unakirwe nemhuri!

Muriwo wetsunga unogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana nemupunga. Vamwe vanousanganisa nenyama yemabhonzo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links