Uncategorized

Mutumbi wakadimburwa nemuchiuno tsve pa’door’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Mutumbi wakadimburwa  nemuchiuno tsve pa’door’ Mai Rosemary Chibisa (vechina kubva kuruboshwe) vachiona chitunha chemwana chakafuma chakakandwa pamusiwo wemba yavo vaine vavakidzani vavo. - Mifananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaChinamano Extension, kuEpworth, nemusi weSvondo wadarika vakaona mashura pamba pemumwe mukadzi – apo pakafuma pakakandwa chitunha chemwana pamusiwo wemba icho chainge chakachekwa nemuchiuno, chisina nhengo dzose dzekuzasi, kusanganisira makumbo.
Mutumbi wemwana ari kufungidzirwa kuti aiva mukomana uyu wakawanikwa wakagadzikwa pamusiwo wemba yaMai Rosemary Chibisa (56) vepanhamba 13C465 Chinamano Extension.

Mai Rosemary Chibisa

Mai Chibisa – avo vanogara voga pamba apa mushure mekufirwa nemurume nevana vavo vose vaviri – vanoti vakamuka kuma5 dzemangwanani vachida kuenda kuchechi uko vaizodarikira kubasa apo vakasangana nemashura aya.
“Ndakangovhura door ndokuona chitunha chemwana chiri pamusiwo chaipo. Ndakatombofunga kuti chaiva chidhori, ndokubva ndachisimudza.
“Ndakazochikanda pasi nekutya apo ndakaona kuti mwana akadimburwa nemuchiuno, ndichibva ndashevedzera vamwe vanhu kuti vazoonawo.
“Akaisa chitunha ichi pamba pangu haazivikanwe uye hatizive kuti mwana waani ane chitunha ichochi,” vanodaro Mai Chibisa.
Vanoti mutumbi uyu unoratidza kuti wakachekwa pachishandiswa chinhu chakapinza sebanga uye wainge usina kupfekedzwa hembe.

Pakawanikwa paine chitunha

“Hatizive kuti mwana uyu akafa oga here kana kuti akapondwa. Chiri kungondinetsa ndechekuti ndiani akandiitirawo mashura akadai – kundikandira chitunha pamba pangu? Ndave kutotya kugara ndoga nekuti handizive kuti zvinorevei izvi,” vanodaro Mai Chibisa.
Chidimbu chemutumbi wemwana ichi change chatanga kuwora musoro chete.
Mai Chibisa – avo vakawanikwa neKwayedza vari kumba kwevabereki vavo kuDomboramwari, kwekare kuEpworth – vanoti vanoda kunzwa zvichabva kuhanzvadzi dzavo kuti voramba vachigara here kumba kwavo kana kuti vodzokera kuvabereki.

Madzibaba Timothy Mahachi (38) vechechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku yeNyenyedzi Nomwe vanotiwo vakasvikowana chitunha chemwana ichi chiri pachivanze chaMai Chibisa.

“Takanzwa nyaya iyi nemusi weSvondo 13 Nyamavhuvhu, ndakasvika ndikawana vanhu vazara vachiona chitunha ichi. Kwandiri ini semuporofita ndinoti mabasa ehuroyi eSatanism,” vanodaro.

Mai Dorothy Naluso (63) vanova muvakidzani waMai Chibisa vanoti: “Ndiri sahwira waamai ava, takangoshamiswawo nenyaya iyi. Kuti tingafunge kuti mutumbi uyu wakaunzwa nembwa hazviite nekuti hauna pakadyiwa, kana matsimba embwa hapana.”

Mai Rosemary Chibisa

Samuel Chibisa Chirwa (34), uyo anove hanzvadzi yaMai Chibisa, anoti akashamiswa zvikuru nezvavakasangana nazvo.

Samuel Chibisa

“Nyaya iyi yakasvika kwatiri, ini segotwe mumba mevana 11, ndakamirira vakoma kuti toita sei kuti sisi vacharamba vachigara here kumba kwavo kana kuti vodzoka kumba. Nyaya iyi yaitika baba vedu VaLeonard Chirwa Chibisa (89) vachirwara zvikuru, havagone kumuka. Hamheno pamwe mashura,” anodaro.

Zvichakadai, Mai Chibisa vanoti vanoda kubatsirwa nemaporofita nen’anga kuchenura musha wavo.

Mutumbi wemwana uyu unonzi wakazotorwa nemapurisa ekuDomboramwari ukaendeswa kumochari nyaya iyi ichiferefetwa. Vaverengi, mimwe yemifananidzo yechitunha chemwana uyu haiite kuti tiiburitse sezvairi kuitira vaya vane hana nhete.

 

Kune vanoda kundibatsira vanoridza nhare dzinoti 0733 612 504 kana 0782 604 379

Share This:

Sponsored Links