Mutyairi webhazi oramba kuti vana vadzidze kumusha

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
MUTYAIRI webhazi rechipatara cheHarare Central Hospital, wekuendeswa kudare nemukadzi wake achida kunzi awedzere mari yemendenenzi yaari kubhadhara, akachema-chema achiti haakwanise kuita izvi sezvo upenyu hwakamuomera.

Mercy Mtandwa akaendesa murume wake Issac Chimundo kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe kubva pa$60 kusvika pa$150.

Akati murume wake anoshanda basa rekutyaira mabhazi paHarare Central Hospital uye anotyairazve paCentral Mechanical Equipment Department yemuHarare.

“Ndauya kuno nekuti ndatambura zvikuru. Ndinochengeta vana vemurume uyu asi iye haatombovazivi. Anotambira mari yakawanda zvikuru asi anoburitsa $60 chete inova inongokwana kubhadhara mari yechikoro yemwana mumwe chete.

“Hurumende yakati zvikoro hazvichatenderwi kudzinga vana vanenge vasina kubhadhara mari yechikoro yakakwana asi zvinobvumirwa kubatira vabereki midziyo yemumba kana vachinge vakundikana kuburitsa mari yacho saka ndotorerwa tumagumbeze twandinatwo tuviri here?

“Ane mumwe mukadzi nevana vatatu vanodzidza kumusha. Ini handina mwana anodzidza kumusha ndokusaka ndichiendesa vana vangu muzvikoro zviri mudhorobha kuti vakure vasina kusaririra,” akadaro Mtandwa. Mutongi Barbara Masinire akabvunza Chimundo zvaaifunga nechikumbiro chainge chauiswa naMtandwa asi haana kuwirirana nazvo.

“Vedare, zviri kutaurwa nemukadzi uyu hazvikwanisike. Ini ndine imwe mhuri nekare, ndine mukadzi nevamwe vana vatatu apa ndinotambira $239 chete. Hongu ndinoshanda kuHarare Hospital semutyairi wemabhazi asi zvaari kutaura zvekuti ndinoshanda kuCMED ndezvekunyepa. “Ndagara ndinotoda zvinhu zvakawanda zvekumba kwangu uyezve mari yandinotambira itori shoma. Ndinomupa $60 yemendenenzi, ini ndoda $60 yekubhadhara mari yepandinogara, $45 yevana vangu vechikoro, $60 yechikafu ne$80 yekuendesa kubasa. Mari iyi yakatowandisa kudarika yandinotambira,” akadaro Chimundo.

Mutongi Barbara Masinhire akati Mtandwa adzoke kudare zvakare aine umboo hunotaridza kuti Chimundo anoshanda kuCMED.

Share This:

Sponsored Links