Mutyairi wekombi opindana nacho

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yekutyaira motokari zvisina hanya yakazoparira mumwe mutyairi wekombi apo akangoerekana atena nekumberi kwemudhudhudhu zvikaita kuti abondere ndokukuvadza mutyairi wawo.

Rodney Mudzawa (29) wepanhamba 8117 Unit K, kuChitungwiza, akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekutyaira zvisina hanya (Section 52(2) of the Road Traffic Act Chapter 13:11 Negligence Driving).

Mutongi wedare iri, Josphine Sande akamupa chirango chekubvisa faindi ye$150 uye kukundikana kwake anozogara mujeri kwemwedzi miviri. Muchuchisi Tendai Katonha anoudza dare mangwanani emusi wa3 Kubvumbi gore rino, Mudzawa — uyo aityaira motokari yerudzi rweToyota Hiace mumugwagwa waMangwende Drive, kwaMakoni, kuChitungwiza — akakonzeresa tsaona apo akabuda mumugwagwa ndokunorovera pamudhudhudhu waityairwa naTapiwa Chakadunga (40).

Mudzawa anonzi akatyaira zvisina hanya sezvo akangoerekana angobva kurutivi rwemugwagwa uko aitakura vanhu, kwave kupinda nekumberi kwemudhudhudhu achiita U-turn achibva aututa. Mutyairi wawo akabva aroverwa mutara izvo zvakaita kuti atyoke gumbo rekuruboshwe. Mudzawa akatakura mutyairi uyu ndokuenda naye kukamba yemapurisa kwaMakoni kunomhan’ara tsaona iyi. Chakadunga akazonorapwa kuChitungwiza Central Hospital uye magwaro ekwachiremba akamuvheneka akabuda mudare seumboo. Nyakupara mhosva ane magwaro akakwana ekutyaira uye anobvuma mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links