Muzinda unovheneka zvirwere wakavhurwa

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Muzinda unovheneka zvirwere wakavhurwa Dr Parirenyatwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, nguva pfupi yadarika vakaparura muzinda wemichina inovheneka mitezo yemuviri, yeRadiology and Magnetic Resonance Imaging (MRI) muHarare iyo ichabatsira mukusimudzira nyaya dzeutano muZimbabwe.

Michina iyi yemhando yepamusoro inosanganisira yeX-Ray, Utrasound Scan neCT Scan.

Muzinda uyu ndewaDr Dumisani Ndlovu vanova Specialist Radiologist nemudzimai wavo Dr Ntokozo Ndlovu.

Dr Parirenyatwa vanoti Hurumende yakazvipira kuti inge ichiwanisa veruzhinji utano hwemhando yepamusoro.

“Tinofara zvikuru nevanhu vanotsigira zvirongwa zveHurumende seava kuti vanhu vawane utano hwakanaka. Tinoda kuti muzinda uyu unge uchibatsira vanhu vanobva kumativi mana enyika uye tinokutendai nebasa guru ramuri kuita semhuri,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti Dr Ndlovu nemudzimai wavo vakaona kushomeka kwakaita varapi vane hunyanzvi hwebasa rekuvheneka mitezo yemiviri (diagonistic radiology) munyika vachibva vapindira.“Munyika tine nyanzvi 15 dzinoita mabasa ekuvheneka mitezo yemuviri saka tinofara nebasa guru ramuri kuita nekuti richaita kuti tive nenyanzvi dzakawanda dzinodzidziswa basa iri. Tinodawo kuti senyika zvipatara zvedu zvinge zviine michina yakakwana yekuvheneka uye nyanzvi dzakafundira basa iri,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti zvakakosha kuti Hurumende inge ichitsigira mayunivhesiti emuno kuti aburewo vadzidzi vanofundira zveurapi senzira yekuvandudza huwandu hwevarapi.

“Tinoda kuvhura mikana yakawanda ine chekuita nebudiriro pamwe nekubatana nedzimwe nyika dzakabudirira kuti tinge tichisimukirawo tichifunda kwadziri. Tinoda zvakare kuti mayunivhesiti edu emuno abure varapi vanobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano kuti tisava tinoshoterwa mune zvimwe zvikamu,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanotendawo Hurumende mukuzarurira vanhu vatema mikana yekuti zvive nyore kuti vange vachivamba mabhizinesi avo munyika muno izvo zvinoonekwa nekubatana kwavakaita nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukusimudzira nyaya dzeutano.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey