Uncategorized

Mvuko kana pfuta . . .JUJU INOMUTSA MWEYA WEMUFI

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mvuko kana pfuta . . .JUJU INOMUTSA MWEYA WEMUFI

Kwayedza

NECHINANGWA chekuda kupfidzisa mhondi nevaroyi, kune n’anga dzave kuisa mhiko yemushonga paguva remunhu anenge afa zvisinganzwisisike nechinangwa chekuti mweya wake ukwanise kupfuka nekukasika uchinorwisa vaya vanenge vakakonzera rufu rwake.

Mhando yemushonga kana kuti ruva rinowanzoshandiswa kuita izvi imvuko kana pfuta uye uri kushandiswa nevamwe vanhu muZimbabwe zvichikonzera kuti mweya wemunhu anenge auraiwa upfuke mushure memazuva mashoma afa. Mhiko iyi inonzi nevamwe inoworora mbavha nevaroyi.

Kwayedza yakakurukura neimwe n’anga inoti inoziva mashandiro emishonga iyi.

Patsika dzechivanhu, zvinonzi kana munhu akafa achiita zvekupondwa kana kuroyiwa anogona kumuka ngozi iyo inononorwisa kumhuri yeuya anenge akakonzera rufu rwake. Mweya wacho unonzi unotopomhodzwa nekuripwa bedzi.

Sekuru Jonathan Shonhiwa Mupamombe (49) avo vanogara kuTshovani, kuChiredzi mudunhu reMasvingo, vanoti ruva kana kuti mushonga wekumutsa mweya yevanenge vafa nekupondwa kana kuroyiwa iriko.

Vanoti mweya wemunhu wose anofa zvisina kujeka unopfuka, ndokunge hama dzake “dzaona zvekuita”.

Vanoti kana munhu afa, pane zvinoitwa nehama dzake sekudyara ruva paguva remufi, iro rinomutsa mweya wake kusina mazuva uchinorwisa vakamuuraya.

“Uriko mushonga wacho asi haungoshandiswa nechero munhu. Mvuko ikaiswa paguva rehama yenyu akauraiwa hazvitore nguva, vakazviita vanenge votorwiswa,” vanodaro Sekuru Mupamombe.

“Isimba rechivanhu ratinoshandisa. Pane zvinoitwa kuti mufi amutswe onorwisa. Paguva remunhu panongodyarwa karuva apo anenge achangobva mukuvigwa, zvatokwana.”

Sekuru Mupamombe vanoti kumutswa kwemufi kunoitwa kunyanya kana paine fungidziro yekuti akaroyiwa kana kuti akapondwa.

“Zvatinoita, munhu akafa nhasi panomukirwa kuguva rechimangwana racho kunomutsa kana kunotora mudzimu, tinobva tadyara ruva rinonzi mvuko nechekumusoro kweguva.

“Mvuko zvinoreva kumutsa mweya wemufi, saka muti uyu unoita kuti mweya unorwisa munhu anenge akamuuraya. Zvinoitwa hama dzemufi dziripo, vose vekwaamai nevekwababa.

“Pazvinoitwa, n’anga inoudza hama dzemufi zvekutaura dzichideketera kumufi nekuvadzimu vake dziri paguva. Midzimu yake inokumbirwa kuti imubatsire kurwa nekudamburirwa upenyu hwake kwaanenge akaitwa,” vanodaro.

Chinodyarwa ishizha remuti uyu apo panotanga pacherwa tukomba tuviri kuti kekudivi rekwaamai nerekwababa. Mutukomba utwu munodirwa masvusvu ezviyo vanhu vachiuchira nekupururudza kuchitaurwa zita remufi kuti aende anorwisa.

“Vose amai nababa vake vanotaura mashoko sekuti, ‘Hona mwanangu ndakupa mutsvairo. Kana pane akakuuraya enda unotsvaira ugouya nemarara nekuti ndiwe unoziva zvawakaitwa, isu taisavapo’. Ipapo ndinobva ndadyara shizha.

“Rinodiridzwa kwemazuva matatu chete robva rabata. Pazuva rechinomwe, rinotungira mamwe mashizha anoratidza huwandu hwevanhu vanenge vakamuuraya. Kana rikatungira mashizha maviri, zvinoreva kuti vanhu vaviri ndivo vakakonzera rufu rwake,” vanodaro.

Ivo sen’anga, vanoti pakuteya mhiko idzi, havadi mubhadharo pakerepo asi kuti vanomirira kuripwa kunozoitwa nevemhuri inenge yave kutambudzwa nemweya wemufi.

Kuti zvionekwe kuti mweya wemufi watanga kurwisa, mashizha anenge ambomera aye anotanga kudonha zvishoma nezvishoma zvichikonzera matambudziko kuvanhu vanenge vakaponda kana kumuroya.

“Kudonha kweshizha rimwe chete pamashizha anenge amera kunoreva kufa kwemunhu mumwe chete. Akadonha maviri zvinoratidzawo kufa kwevanhu vaviri, kusvava kwawo kureva matambudziko akaita sekurwara kumhuri yevakauraya.”

Sekuru Mupamombe vanoti kazhinji vanotanga kufa vamwe vanhu vehukama asi wacho nyakupara mhosva achisara. Panofamba mhuri iyi kun’anga kana maporofita panozobatwa mazita evakapara mhosva.

Ndipo vamwe vanozoripa.

Kana mhuri yakapara mhosva ikaramba kuripa, vanoti ngozi iyi inoramba ichiuraya kusvika nekuvakuwasha chaiko.

“Vamwe vanopera kurambwa, vamwe vachiburitswa mabasa nekurasika njere.

“Asi kana vakabvuma kuripa, vakaendesa muripo wacho, mhuri yemufi nen’anga vanodzokera kuguva uku vonotaurira mweya wemufi kuti kurwa kwake kwanzwikwa, vakakonzera rufu rwake vateterera.

“Ndipo n’anga inodzura ruva riya voenda naro kurwizi kunorikanda panzvimbo ine mvura inoyerera vachikumbira kuti shungu dzemufi dzichipera.

“Pfuma inenge yaripiswa semombe inozofanirwa kuzorooreswa nemwakomana wemudzinza remufi uko kunozodaidzwa zita rake,” inodaro n’anga iyi.

Mhando yeruva rinoshandiswa kuita izvi vanoti rinowanikwa mumakomo sekuNyanga, Zaka, Mberengwa, Bulawayo, Njelele neChimanimani.

Panowanikwa kamuti kana kuti karuva aka, nguva zhinji kanonzi kanenge kakamonererwa nenyoka yerudzi rwetsangamiti kana kuti kangamiti.

N’anga dzinonzi dzinosvikouchira voisa bute pasi kuti vatemhe shizha reruva iri, voenda zvavo pasina kuvhundutsirwa nenyoka iyi.

“Pane nyayawo inoitika kana mukarishandisa mufi uyu asina kuuraiwa, haribate asi kuti rinofa. Isu sen’anga tinokurudzira kuti vemhuri vatange vatsvaga zvizere kuti hama yavo yakauraiwa here vasati vanotsvaga mvuko.”

Sekuru Mupamombe vanoti shizha iri harigone kushandiswa nemunhu asingazive mhiko dzaro sezvo rinoguma rave kukonzera matambudziko mumhuri yeange aridyara.

“Semuenzaniso, shizha iri haridyarwe pamusha kana muhofisi chaimo seruva. Pane ruva iri panogara pachiuya nyoka hombe dzakasiyana uyewo vanhu vachirwisana, kurohwa nemheni nezvimwe zvakaipa. Rikadyarwa semuhofisi, pakambani iyoyo hapashandike.”

Vanoti kunze kwekudyara shizha iri paguva kuti mushakabvu amuke, vamwe vanogara vakatemerwa nyora dzemvuko kuitira kuti vakangouraiwa bedzi mweya wavo unomuka ipapo, “mumwe achiri kutotandadza”.

“Ndipo paye pamunoona kuti muroyi anotanga kuvhumuka parufu munhu asati avigwa. Imvuko inenge yakatemerwa munhu ari mupenyu. Kune madzinza anotozivikanwa kuti vekwanhingi havauraiwe,” vanodaro Sekuru Mupamombe.

Zvakadaro, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanotsinhira nezveruva kana kuti kamuti kanodyarwa paguva kuti mushakabvu arwise vakamuuraya.

“Kumutsa vafi kunoitwa nenzira dzakasiyana, pane kudyara ruva koitawo zvekudyara pfuta paguva. Ngozi iyi inozotanga panobarika pfuta, panongoputika pfuta imwe chete kunenge kuri kufa kwemunhu mumhuri yeanenge akauraya,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti ngozi ndiyo yoga inogona kuburitsa chokwadi chakavandika dakara vakatadza varipa.

“Vakuru kare vaidyisa vana vavo mishonga kuti vagare vakagadzirira kuti kana vauraiwa mweya yavo imuke. Ndokusaka maiona kuti kare kupondana kwaiva kushoma.”

Mushonga wekudyara pfuta paguva unonzi unogona kutora gore kana makore maviri ngozi isati yamuka uye unozotanga kushanda muti uyu wabereka pfuta padzinoputika.

“Vamwe vanogara vakagadzirwa nemishonga yekuti vazomuka ngozi kana vauraiwa kuburikidza nekudya pfuta yakasanganiswa nemishonga, kumedza nhombo kana hurungudo. Musoro wekamba zvakare unoshandiswa kumutsa vafi kuti vanorwisa kwavakauraiwa pamwe nehove inonzi nhetemhesvi iyo inogwinha semagetsi ukaibata,” vanodaro.

VaChisanyu vanoti mumwe mushonga unoshandiswa pakumutsa vafi kuti vanorwisa kwavakatadzirwa kana kuuraiwa unonzi mufandichimuka.

Vanotiwo kune vamwewo vanomboedza kudzosera mweya wemunhu wavanenge vakaponda kuhama dzake nenzira yekutandidzira asi izvi zvinoshanda kwenguva duku sezvo mufi anoramba achinorwisa vakamuuraya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey