Uncategorized

Mvura yageza zvitunha, weti zvoitwa muteuro

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Mvura yageza zvitunha, weti zvoitwa muteuro Mark

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoshamisa zvikuru, mamwe maporofita anonzi ari kushandisa weti yevanhu yakasanganiswa nemvura inogezeswa zvitunha kugadzira miteuro iyo yavanozopa vanhu vavanoshandira kuti vanwe kana kugeza nekuitisawo zvimwe.

Muteuro werudzi urwu unonzi unobatsira kuti vanhu vawande pamasowe kana kuita vanhu mafuza anongotenda zvose.

Kwayedza yakaudzwa kuti yakawanda yemvura inogezeswa zvitunha iyi iri kutengeserwa maporofita nevamwe vanhu vanoshanda kumamochari asi imwe yacho vanopihwa nehama nemasahwira evafi.

Mvura iyi inonzi iri kuitwa chipatapata kutengwa kubva kuvashandi vemumamochari emuzvipatara nevemakambani edzimba dzekuzororera zvitunha kana kutorwa kumamisha apo panogezeswa zvitunha.

Mvura iri kushandiswa kugadzira muteuro iyi inonzi inenge yakagezeswa zvitunha zvemazera ose.

Imwe yacho inonzi inokushwa munhandare dzemasowe nemudzimba dzinoshandirwa vanhu nemaporofita idzo dzinozivikanwa nekuti tsaka.

Maporofita ari kushandisa mvura iyi vanonzi vanovimba kuti inoita kuti vanhu vawande pamasowe avo sezvinongoita parufu apo panoendwa nevanhu vakawanda, zvichinzi mvura inogezeswa zvitunha zvevana vadiki ndiyo yakanyanyonakisa.

Inonzizve inoshandiswa kuti vanhu vapuse uye pasawane anosimudza musoro pane zvavanenge vachiitirwa pavanoshandirwa.

Murume ari kuzviti ashanda nemaporofita akawanda asi zvino afunga “kuchibvondora” — uyo anokumbirisa kuti Kwayedza isaburitse zita rake rizere nekutyira upenyu hwake — Mark (39) achibva kuHurungwe, anoti akazvionera maporofita achishandisa muteuro unogadzirwa nemvura yezvitunha, weti nemimwe mishonga.

“Handisi kutaura zvekuita kunzwa bodo, izvi ndizvo zviri kutoitika. Vanhu vari kunwiswa nekugezeswa zvinhu zvisingaite.

“Kumaporofita, mvura inogezeswa zvitunha ingoda chaiyo, iri kumhanyirirwa. Yakakosha zvikuru kana tiri kumasowe,” anodaro Mark.

“Ndichiri kuzviita, vanhu vanoshanda kumamochari vaiuya nekwandiri vachitengesa mvura iyi $20 pabhodhoro re500 mls.”

Mark anoenderera mberi: “Pandaizviita, ipapo, vashandi vekumamochari vaiuya nekwandiri, ini ndovasvitsa kumaporofita vaine zvigubhu zvizere mvura iyi. Vamwe vacho vaindisiirawo kamari kekutenda kana vabhadharwa nemaporofita anoshandisa mvura iyi.”

Anoti maporofita aya anoitira weti mumvura yezvitunha iyi vozoita dzimwe mhiko vasati vaipa kuvanhu vavanoshandira.

“Vanoitira weti muhari dzemakate umo mavanozodira mvura yezvitunha isati yamwaiwa kuvanhu vanouya pasowe, imwe vozopihwa semuteuro wekunonwa nekunogeza kudzimba.”

Mark anoti maporofita mazhinji “anobata-bata mishonga yavanotora kun’anga”.

Murume uyu anodoma vamwe vemaporofita ari kuita izvi nemazita.

Anoudza Kwayedza kuti vamwe vemaporofita anoita izvi vakangozviziva bedzi kuti ndiye afumura chokwadi chezvavanoita, “vanoswera vandiuraya”.

“Inini ndaizviita ndichitotsvaga mari asi handichada zvekunyepera Mwari. Mvura dziri kunwiswa vanhu idzi

dzizere nezvirwere, saka handichada kuita chitema. Zviri nani ndinzi hangu ndiri muhedheni asi ndichimira pachokwadi.

“Pane dzimwe nguva vanhu pavanoenda kunobatsirwa kumasowe vonzi vanyore mazita evavengi vavo pajira jena kana dzvuku iro rinotorwa nemuporofita. Vanhu ava pavanozodzoka, vanosvikoudzwa mazita evavengi vavo aye avanenge vakaendesa, vobva vati maporofita aya anoona.

“Ini ndaona kuti Mwari vanondiranga kana ndichinyengedza vanhu, ndokusaka ndava kusiyana nazvo,” anodaro Mark achiedza kuvhara chiso chake nechikepesi.

Murume uyu anoti wose anomwaiwa, kunwa kana kugeza muteuro unenge uine mvura yezvitunha, haazosimudza musoro uye anenge ongopa mari kumuporofita akamugadzira.

“Nedzimwe nzira ndinoti maporofita aya anopfuhwira vanhu vavanoshandira kuti varambe vachienda kusowe ravo. Munhu anopfava kana kuti anonyarara kunge chitunha chiri muguva. Pane sainzi dzekushereketa dziripo,” anodaro.

Kunze kwekunwa nekuigeza, vanhu vanonzi imwe yacho vanodira kana kumwaya pamisha yevavanofungira kuti vavengi vavo.

“Ndakapinda masowe kubva 1995 kusvika gore rino apo ndazofunga kumbomira. Ndakazvionera kuti maporofita mazhinji ndeenhema, aripo kurombesa vanhu nekuvakuruka mari nezvimwe zvinhu zvavo – semota kana dzimba.”

Mark anoyambira madzimai anoenda kumaporofita vachitsvaga kubatsirwa panyaya dzerudo kuti vari kupihwa miteuro yemharadzo – vogumisira vave kudanana nemaporofita acho.

“Kubva pandasiya izvi (kupa vanhu miteuro yeweti nemvura yagezeswa zvitunha), ndiri kuteverwa nevanhu vari kutumwa nemaporofita andanga ndichishanda nawo. Ndakatomborohwa nguva pfupi yadarika nevanhu vandisingazive saka ndinotya.

“Mukazonzwa kuti ndafa imi mandiburitsa muKwayedza renyu, mubva mazozvitaurawo nekuti ndada kununura vanhu.”

Mark anoti pamwe ari kumboteverwa nevanhu vaasingazive, nyaya yaanokurudzirwa nebepanhau rino kuti akwidze kumapurisa.

“Maporofita aya anoda kundinyaradza nekuti vanoziva kuti ndinoziva zvose zvavanoita zvisina huMwari kumasowe kwavo.”

Anoyambirawo veruzhiji kuti vangwarire vanhu vanogezesa zvitunha parufu achiti vamwe vavo vanogona kuba mvura inenge yagezeswa chitunha iyo vanozotengesera mamwe maporofita.

“Kana hama dzedu dzafa, masahwira kana vamwe vechikuru achigeza zvitunha, onai kuti mvura yacho yaraswa zvechokwadi nekuti inogona kutengeswa,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links