Mvura yemupombi paruzevha

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemisha yakakomberedza mabhizinesi ekwaBhidhiri, kwaNyashanu, kuBuhera, vave kuwaniswa mvura yakachena kuburikidza nechirongwa chekuisirwa mapombi nemasangano akazvimirira rinova danho rasimudzira nyaya dzeutano mudunhu iri.

Mukuru anoona nezvechirongwa ichi kwaBhidhiri, VaFelix Mapanzure (58), avo vanova sachigaro wacho, vanoti sangano reLutheran International rakabatana neUNESCO ndiwo ari kuita chirongwa ichi.

“Chirongwa ichi chakatangwa makore ekuma 1987 ndokumbomiswa, chakazosimudzirwa mugore ra2017. Mvura iyi iri kutorwa mumugodhi wakadzika zvikuru uyo waimbocherwa goridhe nevachena kumakore ekuma1950 nekuma1960,” vanodaro.

Vanoti mugodhi uri kubva mvura iyi unowanikwa mugomo reBepe riri padyo nemugwagwa unobva kuDorowa uchienda kuSabi Drift nekuBocha, kwaMarange.

“Mapombi akatopedzwa kuiswa kubva kumugodhi uyu kunosvika mune mimwe misha apo acharamba achiiswa kusvikira misha yose yakwana. Kune mimwe misha yave kutowana mvura asi mimwe haisati nechikonzero chekuti mvura iyi inoita zvekufamba yoga kubva mugomo iri zvinoreva kuti yave kutoda injini inoidhonza,” vanodaro VaMapanzure.

Vanoti michina inodhonza mvura iyi inoshandisa magetsi ezuva ayo anomboshaya simba kana kunze kwakakwidibira makore. Mvura iyi vanoti iri kuiswa mutangi guru, iro rinozoiswa mishonga yekuichenesa isati yaendeswa kumisha kunoshandiswa.

“Pane hurongwa hwekuti kuzoiswa rimwe tangi guru kurimwe divi regomo iri kuti mvura iyi igokwanirana misha yose. Izvi tinoti zvichaderedza zvirwere zvemanyoka nezvimwewo mudunhu rino,” vanodaro VaMapanzure.

Mudunhu ravo, vanodaro, munowanikwa denda remanyoka kuburikidza nemvura isina kuchena inonwiwa neruzhinji.
Zvakadai, vagari vemisha iyi vari kushandisawo mvura yemupombi iyi mumubasa anosanganisira kudiridza mapindu.
Misha ine mapombi aya inosanganisira Hazvinavarwi, Chinhuwo neMugwenhi.

Sabhuku Hazvinavarwi, VaFrancis Hazvinavarwi, vanopa kutenda nekuda kwechirongwa ichi vachiti chiri kusimudzira mararamiro avo.

“Kuno nzizi dzedu dzinogara dzichioma zvichikonzerwa negukuravhu uyewo migodhi yemumisha haichengete mvura. Taiguma tave kunwa mvura yemumifuku vanhu vorwara, zvino dambudziko iri hapasisina. Chatinokurudzira, hatidi vanhu vanozoba mapombi aya, zvinhu izvi inhaka yedu,” vanodaro.

Vanoti masangano aya akatanga nekupa ruzhinji rweko mombe nehuku senzira yekusimudzira utano neupfumi hwavo.
“Mombe dzakauya kare dzichiiswa mumishandirapamwe yaiva yaumbwa apo dzaibereka dzichizogovanwa kana dzawanda. Huku zvimwe chetewo, dzaipihwa musha nemusha dzemazai nedzenyama izvo zvakasimudzira utano nemabasa ekurima muno,” vanodaro Sabhuku Hazvinavarwi

Share This:

Sponsored Links