Uncategorized

Mwana (11) ogara mudondo

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KAKOMANA kemakore 11 ekuberekwa kemubhuku raMatemera, kwaMashayamombe, kuMhondoro, kari kugara musango semhuka kachirarama nekudya michero nemidzi yemiti yemudondo zvichitevera kushungurudzwa kwakanoti kanoitwa naambuya vako.

Billy Runyowa – uyo anova nherera – anonzi akasiiwa naamai vake ari kasvava vachienda kumusha kwavo kwaChihota mushure mekufa kwababa vake.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti nyaya yemwana anonzi ari kushungurudzwa uyu iri kuferefetwa.

“Tinayo nyaya yemwana uyu, mapurisa edu ari kuita basa saka tichanzwa zvichabuda. Anonzi ari kugara musango. Tinokurudzira vabereki nevanochengeta vana kuti vasabate vana hunhapwa – hazvina mhosva kuti inherera,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Billy anoti anoona zvakakodzera kunogara musango pane kugara achirohwa naambuya vake.

“Zviri nani ndife zvangu ndichigara musango pane kugara naambuya vangu. Vanondipa mabasa akawanda anosanganisa kuenda kumombe, kugeza ndiro nekutsvaira pachivanze. Ndikangononoka kuita mamwe emabasa aya vanondisungirira padara rechibage vondirova.

“Baba vangu vakafa, amai vangu handivazive uye chikoro ndakatorega,” anodaro Billy.

Ambuya vemwana uyu, Nyarai Matemera (53), nemurume wavo VaJoseph Matemera (73), vari kuramba kuti vanomushungurudza vachiti ane misikanzwa uye imbavha inovabira zvinhu zvavo pamwe nezvevamwe munharaunda.

Billy akawanikwa neKwayedza ari pamusha waVaKenneth Chiyangwa Vhera (84) mubhuku raChoruma uye akasvimha misodzi apo aitsanangura nhamo yake.

“Ndiri kugara musango kubva gore rakapera, Zhizha rose mvura yakaperera pamuviri wangu. Ndinorara mumiti yemumango pamusha unova dongo kwaMubaira, vamwe vanhu vakandiona vanondidzingirira vachitumwa naambuya kuti kana vandiona vandibate. Ndinopihwa zvekupfeka nezvimwe zvekudya nevanhuwo zvavo. Ndikanzwa kunenge kwafiwa ndinoenda, mudzinhamo imomo ndinonotsvaga zvekudya kana kunoungana mapositori ndinoenda,” anodaro Billy. Mukomana uyu anoti dzimwe nguva ainyimwa zvekudya naambuya vake avo vakazoroorwa kwaMatemera mushure mekunge vabva kwavainge vakaroorwa kwaRunyowa, kunova kwavakabereka baba vake.

“Ndaimbogara kumusha kwababa vangu uko ndakazobva ndatorwa naambuya apo pakashaika baba vangu.”

Billy anoti dzimwe nguva anorarama nekudya tsubvu kana mimwe michero yaanowana musango.

Sekuru Vhera vanoti vakazotora mwana uyu nguva pfupi yadarika mushure mekunge vamuona achigara musango.

“Mwana uyu tinaye pano pamusha, tava nemasvondo maviri naye uye akauya achinhuhwa tsvina. Akauya nemukomana wedu webasa uyo aionana naye kusango achimupa kudya. Tiri kumuchengeta kusvikira ambuya vacho vauya kuzomutora,” vanodaro Sekuru Vhera.

Mbuya Rose Vhera (73) vanotiwo hapana chiri kuvaremera mukuchengeta Billy uye vakarwadziwa kuti aigara musango.

“Masvondo maviri agara mwana uyu pano, atopfumbira. Kudya kunoenda kuchimbuzi, asi chokwadi mwana uyu nezera rake onzi anogara musango isu vanhu vakuru tiripo, tichidya kuguta?

“Handizive ivo ambuya vemwana uyu kana vachizviita zvinorehwa nemwana uyu, kukanganisa kukuru. Ngativei nemweya wekubereka,” vanodaro Mbuya Vhera.

Baba vemukomana uyu, Tendai Runyowa, vanonzi vakashaika mugore ra2015.

Billy anonzi akasiira chikoro panzira gore rapera apo aiva muGrade 3 kwaGuvamombe, ndokuzoenda kuNyangweni nekuda kwedambudziko rekusabatwa zvakanaka raanotaura iri.

“Ndinoda kudzokera kuchikoro kana ndikawana kwekugara kwakanaka, kwete kugarazve kwaambuya, handidi,” anodaro Billy achichema.

Mwana uyu akaratidza vatori venhau mavanga emaronda aanoti ndeekurohwa naambuya vake ayo ari kumusana nepagumbo.

Norman Moffat (27), anove mushandi wepamusha paSekuru Vhera, anoti akawana mwana uyu musango achibva aenda naye kune vaanoshandira.

“Ndaona mukomana uyu kwemazuva, ndakatanga ndichimuvigira zvekudya kusvikira ndakazotaurira sekuru nagogo vakati ndimutore,” anodaro.

Asi ambuya vaBilly – Mai Matemera (53) – vanoramba nyaya yekuti vanogara vachirova muzukuru wavo vachiti ane misikanzwa uye anoba.

“Zvose manyepo, imbavha mwana uyu. Handimurove uye haadi chikoro. Akatanga kugara musango achiri kumusha kwababa vake kwaRunyowa, tikazomutora baba vake, Tendai Runyowa, vafa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemurume wavo, VaMatemera, vachiti Billy inhubu.

“Ini ndaneta nemwana uyu, ngaachienda kumusha kwake kwaRunyowa nekuti ane misikanzwa. Pakafa baba vake aiva akatiza pamba akatouya musi wenhamo mutumbi wababa vake wave kuvigwa. Haarohwe, anonyepa!” vanodaro.

Vanoti anogara achipaza magonhi edzimba dzavo nedzevamwe achiba zvinhu zvinosanganisira magumbeze.

 

PIX&CAP: Mwana ogara musango-08/06/18

Billy Runyowa

Billy achichema

Mbatya neshangu dzaBilly

Bill achitaridza mavanga ari kumusana kwake pamwe nepagumbo ayo anoti akakonzerwa nekurohwa

Rose Vhera

Kenneth Vhera

Joseph Matemera

Nyarai Matemera

Sango rinonzi rinorara Billy

Insp Mabgweazara

Videos.

Mifananidzo naNicholas Bakili

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>