Uncategorized

Mwana (12) akafushirwa ari mupenyu

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mwana (12) akafushirwa ari mupenyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUNYAYA inosiririsa zvikuru, kuZaka kune kamwana kakomana kemakore 12 ekuberekwa ako kakafa pazororo reAfrica Day mushure mekunge kadhirikirwa nemavhu epamacheto wegomba rakaiteya shiri. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMasvingo, Assistant Inspector Kudakwashe Dehwa, vanotsinhira nezvetsaona iyi vachiti yakaitika nomusi wa25 Chivabvu.

“Takatambira mashoko ekurasikirwa neupenyu hwemwanakomana anonzi Bennis Munatsi (12) wemubhuku rekwaJeri, kwaChivamba, kwaShe Boka, kuZaka, uyo akadhirikirwa nemavhu aakanga akatsika ayo aive kumucheto kwegomba iro akanga akamirira kuti azobata shiri dzinenge dziri kupinda mukati. Zvisinei, mavhinga aakange akatsika akabva adhirika ndokubva iye afushirwa ndokufiramo,” vanodaro.

Asst Insp Dehwa vanoti nyaya iyi inosiririsa zvikuru uye vanoitora setsaona yakaitika munhu asina fungidziro yekuti mavhinga aakatsika angadhirika akatora upenyu hwake.

“Chiitiko ichi chinoshungurudza kwazvo kana tichitarisa kuti takarasikirwa neupenyu hwemwana mudiki uye anga asina ruzivo maringe netsaona dzinogona kumuwira,” vanodaro.

Baba vaBennis, VaChenjerai Munatsi, vanoti vanorwadziwa zvikuru nerufu rwemwana wavo uye vakatomuradzika munzvimbo iyi nomusi Mugovera wadarika.

Share This:

Sponsored Links