Uncategorized

Mwana (16) ozvimba dumbu

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Mwana (16) ozvimba dumbu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANASIKANA wekuBuhera asvika pakusiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko rekuzvimba dumbu rake izvo zvakonzera kuti atadze kufamba zvakanaka.

Bridget Zireni (16) uyo anogara mubhuku raMhete, kwaMambo Nyashanu, ava kutoita sekunge mudzimai ane pamuviri nekuda kwedumbu rake iro riri kungozvimba.

Mwana uyu anga achiita Form 1 pachikoro cheMurambinda B Secondary School gore rakapera uye anonzi aiva shasha muchikoro.

“Handichakwanisa kufamba kana kugara, kudya chaiko handigone nedumbu rangu riri kungozvimba. Ndinoda kubatsirwa kuti dambudziko iri ripere ndidzokere kuchikoro kune vamwe.

“Ndakangotanga ndichirwadziwa nemudumbu kusvikira dumbu rave kukura zvishoma nezvishoma. Hamheno amai nababa vari kuti pane vakuru kuHurumende vavari kutaura navo. Ndinokumbira kuti vandinzwewo ndibatsirwe sezviri kutaurwa naamai nababa vangu,” anodaro mwana uyu, uyo nekuda kwedambudziko iri, asanduka muviri nechiso kuita kunge munhu mukuru.

VaDavious Zireni (47), vanova baba vaBridget, vanoti vapererwa nemazano nekuda kwedambudziko rine mwana wavo.

“Ini nemudzimai wangu tave kungotarisa sezvo zvose zvatiri kufunga tagumirwa. Mwana uyu aigona zvikuru muchikoro uye taivawo netarisiro huru paari. Zvino akatosiira chikoro panzira ava muForm 1 paMurambinda B Secondary nekuti haachagona kufamba.

“Akarega kuenda kuchikoro gore rakapera mutemu yechipiri saka tinokumbira kubatsirwa nekuti isu sevabereki vake tapererwa,” vanodaro baba vaBridget.

Vanoti mwana wavo akatanga achinzwa mabayo kusvika dumbu rake razvimba sezvarava.

Amai vaBridget, Nellia Mupangani (46), vanoti havachisina chimwe chavachagona kuita kunze kwekungotarisira kuna Mwari.

“Dambudziko remwana rakatanga mugore ra2015 tikaenda naye pachipatara cheMurambinda zvikanzi aiva nezvaida kubviswa mudumbu make — dziya nyama dzinonzi dzinongokura. Akanzi tiende naye kuchipatara cheMutare uko akanogara muchipatara kwemasvondo matatu apo vakazoti vaida $3 000.

“Takangokwanisa kuwana $460 pamari iyi, kuchipatara uku izvozvi tine chikwereti che$1 200. Tashaya mari kudai, takadzoka nemwana kusvika izvozvi takangomutarisa nekushaya mari,” vanodaro.

Mhuri iyi ine fungidziro yekuti hurwere hwaBridget hune chekuita nekuroyiwa.

Zvichakadai, mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti mwana uyu anofanirwa kuenda kuchipatara anobatsirwa zvoonekwa kuti chii chiri kukonzera kuti dumbu rake rizvimbe.

Makore mashoma adarika, kune madzimai ane chitsama vakambobuda muKwayedza vaine matambudziko ekuzvimba matambu sezviri kuita mwana uyu asi vakazobatsirwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Kune vanoda kubatsira mwana uyu vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0777 317 581 kana kuisa mari kubhengi reCABS rekwaMurambinda, kuBuhera rine nhamba dzinoti 5888923004729488.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>