Uncategorized

Mwana (2) akafa awirwa nechivezwa

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MWANA wekuChitungwiza ane makore maviri okuberekwa akafa rufu rwunorwadzisisa svondo rapera mushure mekutsitsirwa nechivezwa chedombo apo aitamba nevamwe.

Kwayedza yakasvika njodzi iyi ichangobva kuitika panhamba 14592 Unit O.

Amai vemwana uyu panguva iyi vaitsvaga rubatsiro rwekuti mwana wavo atakurwe kuendeswa kuchipatara.

“Tiri kutsvagawo motokari yekuti itiendesere mwana kuchipatara, atsitsirirwa nedombo mumusoro,” vakadaro amai vemwana uyu vachichema.

Pasina nguva, mumwe murume akasarudza kuvabatsira nemotokari yake achibva aenda navo pane chimwe chipatara chakazvimirira chiri paTaita Shopping Centre munzvimbo iyi, apo vakanoudzwa kuti mwana uyu akange atofa kare.

Kwayedza haina kuzokwanisa kutaura zvakawanda naamai vemwana uyu sezvo vakange vachichema.

Zvisinei, mumwe mudzimai anoroja pamwe chete nemhuri yemwana uyu akati varidzi vemba iyi vanogara kunze kwenyika.

“Varidzi vepano vari kuMozambique uye tinosigara takakiya gedhi.

“Hameno kuti nhasi zvafamba sei vana ava vabva vapinda vachitambira mugedhi mune zvivezwa zvematombo izvi.

“Ini ndange ndiri kuseri kwemba saka handina kuona kuti adonherwa sei asi ndinofunga kuti anogona kudaro atora nguva refu akatsitsirirwa pasina amununura nekuti kana kuchema kwake handina kumbokunzwa.

“Matombo aya atove nemakore anodarika matatu ari mughedhi muno,” akadaro muroja uyo asina kuda kutaura zita rake.

Muchivanze umu mune zvizezwa zvematombo zvakawanda izvo zvakasendekwa kumadziro emba nepamudhuri.

Vamwe vemunzvimbo iyi vakaratidza kushamiswa zvikuru nechiitiko ichi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, vakatsinhira rufu rwemwana uyu.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi waKukadzi 11 apo mwana ane makore vaviri akadonherwa nechivezwa chedombo ndokufa panhamba 14592 Unit O paakange achitamba nevamwe uye dombo iri rakange rine hurefu hwemamita 1,2.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vachengetedze vana kubva kuzvinhu zvinokuvadza zvakaita sematombo, mapanga nezvimwe nekuti zvinogona kupedzisira zvaita kuti varasikirwe neupenyu seizvi,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>