Uncategorized

mwana (3) kungotsakatika?…Akatorwa nechamupupuri…Hazviite, taurai chokwadi…‘Mapurisa nyatsoongororai

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
mwana (3) kungotsakatika?…Akatorwa nechamupupuri…Hazviite, taurai chokwadi…‘Mapurisa nyatsoongororai Knowledge Nyamunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANA ndumurwa wekuBeatrice wekunzi akatorwa nechamupupuri ndokuendwa naye anonzi haasati awanikwa.

Knowledge Nyamunda (3) anonzi akatsakatika nemusi wa24 Zvita gore rapera achitamba nevamwe vana apo amai vake, Plaxedes Gonera (24), vaive varipo. Mhuri inogara papurazi reRosyline Pattison, kwaMuda, iyi inoti ichiri kungotsvaga mwana uyu, chipo chemwedzi nechidimbu vachiti havazive kwaakaendeswa nechamupupuri.

Asi vamwe vaverengi veKwayedza, iyo yakaburitsa nyaya yemwana uyu kekutanga, vanoti nyaya iyi inoda kunyatsoferefetwa kusvikira chokwadi chabuda pachena.

“Nhaimi, zvingaita here kuti mwana angangonzi atorwa nechamupupuri zvotopera zvakadaro? Vabereki vemwana uyu vane zvimwe zvavanoziva bedzi. Ngavataure chokwadi chaicho chakaitika,” akadaro mumwe muverengi akaridzira nhare kuKwayedza. Mumwezve muverengi anoti: “Hakuna zvakadaro, amai vemwana ngavatiudze chokwadi. Mwana haangorova, kupupurutswa kunge mashanga? Mapurisa ngavambotora vabereki vemwana uyu.”

Herbert Nyamunda

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Insp Norbert Muzondo, vanoti vachiri kuferefeta nyaya yekutsakatika kwemwana uyu.

“Tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi tichibatsirana nevabereki vemwana. Kune vane zvavanoziva panyaya iyi ngavatibate panhamba dzedu dzinoti (0279) 24145 votaura nemapurisa edu,” vanodaro Insp Muzondo. Gonera anoti akangoerekana asisaone mwana apo pakaitika mhepo huru yechamupupuri iye achibva aita chadzimira ndokuzoona mwana pasisina.

“Tichiri kutsvaga mwana asi dambudziko ratatarisana naro nderekuti murume wangu haasi kuda kuti titsvage mwana nekunobvunzira kudzin’anga kana kumaporofita. Ari kuti ane kuchechi kwatinopinda uko anoti haasati abvumidzwa kuti tinotsvaga kune vamwe vanokwanisa kufembera kana kuporofita.

“Ukuwo vamwene vangu havasi kudawo kuti tibatsirane kutsvaga mwana, hanzi ini ndimutsvage ndoga,” anodaro Gonera.

Nobetta Nyamunda

Baba vemwana uyu, Herbert Nyamunda (42), vanoti ichokwadi kuti pane kusawirirana kuripo nekuti ivo havabvumidzwe kunobvunzira kwese-kwese kunze kwekuchechi kwavo kuJohane Masowe weChishanu.

“Takatora maporofita ekuchechi kwangu vakanamata, zvekumwe izvo handikwanise,” anodaro. Mhuri iyi yakaenda kunhepfenyuro yeStar FM kuchirongwa cheTildar Live Show neChipiri svondo rapera apo pakauya Herbert nemudzimai wake pamwe chete naambuya vake, Tungamirai Maposa (46).

Asi amai vaHerbert, Nobetta Nyamunda (65), havana kukwanisa kusvika kunhepfenyuro sezvo vachinzi vakati havana nguva yekutambisa.

Herbert anoti pane mashoko aakatumirwa panharembozha yake nemunhu waasingazive anoti ari kuChivhu uye kuti mwana wake mupenyu.

Anoti haana kupindura kana kuridzira nhare munhu uyu sezvo asina mari yekutenga “airtime”. Mai Maposa vanobuda pachena kuti hapana kuwirirana panyaya yekuti vafambe nemhuri yekumukuwasha wavo pakutsvaga mwana uyu.

“Tiri kupokana zvachose, tiri kungofamba toga nemwana wangu ivo havasi kuda.

‘‘Hatizive kuti chikonzero chei, ambuya chaivo vemwana vamukurungai vangu havasi kumboda kunzwa nezvekufamba izvi,” vanodaro. Gonera akatobva kumurume wake nekuda kwenyaya iyi achidzokera kumba kwaamai vake zvichitevera kunetsana kwavepo.

“Mwana wangu akatouya kumba nekuti hatizive kuti zvinoreva kutii kuti tinofamba toga,” vanodaro Mai Maphosa. Pane mashoko akawanda ari kutaurwa pamusoro pemwana uyu apo vamwe vanoti akatorwa nenjuzu, vamwewo vachiti akatorwa nevaroyi kana kuti akachekereswa.

Share This:

Sponsored Links