Mwana akafira $20

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza ari kunzi akaponda mwana wake mushure mekumurova nezvibhakera padumbu nekumudzipa pahuro achimupomera kumubira $20 iyo yainge yakavigwa pasi pepiro.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti yakaitika nomusi waChikunguru 31 munguva dzemanheru uye baba ava vari mumaoko emapurisa vachibatsira mukuferefetwa kwenyaya yacho.

“Tine nyaya yababa vanonzi Shepherd Mushurwa (38) vepanhamba 14604 Unit O, kuChitungwiza, avo vanonzi vakarova mwana wavo ainzi Prosper Mushurwa (12) uyo aidzidza paSeke 12, ikoko kuChitungwiza, achibva arasikirwa neupenyu.

“Baba ava vanonzi vakashaya $20 yavo mumba iyo yavainge vakaviga pasi pepiro asi pavakabvunza mwana uyu akaramba kuti ndiye ainge aitora.

‘‘Vanonzi vakazoona mwana uyu asara aine chenji ye$0,60c iyo ainge akaviga pasi pedombo nechekuseri kwemba vachibva vamurova nezvibhakera mudumbu nekumudzipa pahuro,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti Mushurwa anonzi akashevedza mwana wake kuti azodya sadza munguva dzemanheru apo akatora mukana wekumurova. “Baba ava vanonzi pavakazoona kuti mwana uyu akanga asisafeme zvakanaka uye asisakwanise kumuka, vakamudira mugomo wemvura asi haana kufefemuka kunze kwekungogomera.

‘‘Vakabva vanoudza mumwe muvakidzani wavo ane motokari achibva avabatsira mukumuendesa kuMakoni 24 Hour Clinic uko vakanzi vapfuurire naye kuChitungwiza Central Hospital kunova kwavakaudzwa kuti mwana uyu ainge atofa panguva yavakasvikako,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti mutumbi wemwana uyu uri mumochari yechipatara ichi uko wakamirira kuongororwa nemachiremba.

Asst Insp Dzvova vanoyambira veruzhinji kuti vasarange vana zvakapfurikidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>