Uncategorized

Mwana akafira R1

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Mwana akafira R1

Kwayedza

MWANA wemakore mapfumbamwe okuberekwa wekuZengeza 3, kuChitungwiza anonzi akafa nekurohwa naamainini vake, munin’ina waamai, avo vaimupomera kuba R1.

Tanatswa Phiri, uyo aigara naamainini vake Annah Chinoshawa (30) panhamba 48 mumugwagwa waMupini, kuZengeza 3, anonzi akarohwa kusvika afa nemusi weChina 6 Mbudzi apo aipomerwa kuba mari iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vakatsinhira nyaya iyi.

“Nyaya yakadaro tinayo, yemwana ainzi Tanatswa Phiri uyo aipinda chikoro Grade 4 paZengeza 4 Primary. Anonzi akarohwa naAnnah Chinoshawa mangwanani emusi uyu mushure mekunzi akanga aba R1.

“Akaenda kuchikoro ndokudzoka, akasvikopomerwa zvakare kuti akanga aba US$1 ndokurohwa nepuranga netambo yemagetsi zvakare kuzosvikira abuda ropa ndokutadza kutaura kusvikira akafa kuchipatara,” vakadaro Chief Spt Nyathi.

Pakaitika chiitiko ichi paiva naMonica Chingowo (32) nemumwe mwana anova hanzvadzi yaTanatswa, Natasha Phiri (12), uyo anonzi akarohwawo nekuda kwenyaya imwe chete iyi.

Chief Supt Nyathi vanoti nemusi uyu mangwanani, apo vana vakanga vave kuenda kuchikoro, Chinoshawa akavashevedza achiti aiva ashaya R1 ivo ndokudzoka. Akavhura mabhegi avo ekutakurira mabhuku ndokuwana R1 mubhegi raTanatswa. Mainini ava vanonzi vakatora shamhu ndokurova Tanatswa zvakasimba achibva azoenda kuchikoro nemumwe wake.

“Vana ava vanonzi vakadzoka kuchikoro masikati apo Chinoshawa akasvika zvakare achivapomera kuti aiva ashaya imwe mari yake US$1, iyo yaaiti vakanga vaba. Mudzimai uyu akatanga kurova Tanatswa zvakare neshamhu nepuranga uye newaya yemagetsi kusvikira asisacheme apo ainge obuda ropa.

“Vakazomugeza ropa iri ndokumutakura kuenda naye kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko anonzi akanorara ndokuzofa muchipatara umu nenguva dza23:45 pakati peusiku,” vakadaro.

Chinoshawa akatosungwa uye anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva akatarisana nemhosva yekuponda.

Pakadhindwa bepanhau rino, mutumbi wemwana uyu wakanga usati wavigwa apo unonzi waiva kuchipatara wakamirirwa kuongororwa namachiremba.

Vabereki vevana vaviri ava, Natasha nemushakabvu Tanatswa, vanonzi vakarambana izvo zvakazoita kuti amai vavo vaende kunoshanda kuMozambique.

Vanonzi vakambosara vachigara nababa vavo kuChinhoyi ndokuzobviswa voenda kuna tete vavo kwakare kuChinhoyi vasati vazonogara naChinoshawa kuChitungwiza.

Mumwe mudzimai asina kuda kutaura zita rake, anova muvakidzani wepamba pakaroorwa Chinoshawa, akati vana ava vakanotorwa kwavaigara natete vavo naamainini vatarisana nemhosva ava.

“Vana ava itemu yavo yekutanga kupinda chikoro kuno, vakanotorwa kuna tete vavo naAnnah,” akadaro.

Kwayedza payakaenda pamba pakaroverwa mwana uyu yakawanda pachiita kunge padongo sezvo painge pasina vanhu asi mushakabvu asati avigwa.

Share This:

Sponsored Links