Mwana akafumoonekwa ‘akadyiwa’ nemasvosve -‘Aya mabasa evaroyi’

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Mwana akafumoonekwa ‘akadyiwa’ nemasvosve -‘Aya mabasa evaroyi’ MAI Chipo Makarichi vaine murume wavo, VaArnold Marume

Kwayedza

Nyasha Mutena
VAGARI vemumusha weHighfield, muHarare vakasara vaoma mate mukanwa zvichitevera rufu rwemwana ane makore manonwe ekuberekwa uyo anonzi akangofuma akafa, akamomoterwa nemasvosve kumeso kwose. Rufu rwaTakunda Marume, uyo ange onotanga Grade 2 gore rino, rwakasiya baba vake, Arnold Marume, pamwe naamai vake, Chipo Makarichi (27), avo vanogara panhamba 2088 Egypt kuHighfield, vasina kana nechokutaura.

Vanachiremba vakaongorora mutumbi wemwana uyu vanonzi vakati akafa nekuda kwechirwere che“meningitis”.
Muhurukuro naamai vaTakunda, vanoti zvakavakatyamadza zvikuru sezvo mwana wavo asina kurwara.
Vanoti Takunda akafuma akafa musi wa21 Zvita apo kumeso kwake kwainge kwakazara masvosve.

“Firo yakaita mwana wangu iri kundishaisa hope, akaswera achifara nevamwe ndaitomutuma twumabasa twepamba achiratidza kugwinya. Handizive kuti chakabaya mwana wangu chii,” vakadaro.

Vanoti vakatombomumutsa pakati pehusiku kuti arase mvura izvo akaita pasina dambudziko.
Vanotizve panguva dzemangwanani apo vakange voda kuti amuke sezvo zuva rainge rakwira, vakazoudzwa nehanzvadzi yake kuti ainge aramba kumuka uye aiva akazara masvosve kumeso.

Mai Makarichi vanoti vakaedza kumumutsa asi zvakakona sezvo ainge atova chando, muviri wake watonhora.
Mudzimai uyu anoti chakanyanya kuvashamisa ndechokuti masvosve ainge akati tsvete nechiso chemwana asi pavakazunza magumbeze ake vakashaya mwena waakabuda.

Mbuya vaTakunda, Mai Bybit Marange (49), avo vainge varipo pazuva rakaitika mashura aya, vanoti vakaedza kuongorora kuti mwana ainge aitwa sei apo vakaona achiri kudziya muviri asi atofa kare. Vanoti muupenyu hwavo hwose havasati vamboona zvakadai uye fungidziro yavo huru ndeyekuti Takunda ainge ashereketerwa.

Vanoti vanachiremba vakaongorora mutumbi waTakunda vakati aive afa nekuda kwechirwere che”meningitis”.
Mai Marange vanoti mutumbi waTakunda wainge uine kamutsetse kadiki necheparutivi pehuma asi kaiva kakasviba kuita ruvara rwutema apo masvosve ainge akazara matama. Vanotizve vakaona ropa rainge rakaita zvekuomerera mukanwa.

“Hatina kana neremuromo, chokwadi mwana uyu akatisiira mibvunzo isingaperi. Ko akaitwa nei? Ko chaiva chirwere chipi zvacho chingabva chaita kunyangira mwana mudiki akadaro? “Aiva nekamutswe keblack parutivi rwehuma, masvosve akazara pamatama asi mwena wacho takaushaya kana pekuti ungawane pakaungana masvosve isu takapashaya. Hatizivi kuti chii,” vakadaro.

Vanoti nhengo yaTakunda yakavandika yaidziya uye yaiva yakatirimuka zvishoma.
“Pandakasvika ndashevedzwa mwana aidziya paditi nechekure uye nhengo yake yesikarudzi yaiva yakatirimuka zvishoma zvekuti ndaitofunga kuti achamuka nekuti ndicho chezvimwe zviratidzo zvedu pachivanhu kuti munhu mupenyu,” vakadaro Mai Marange.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa vaTakunda, VaMarume, sezvo vasina kubatika panhare yavo kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>