Uncategorized

Mwana akagezeswa tsvina nemawoko

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MWANA anodzidza paMasuku Primary School, kuTshabalala kuBulawayo, akanorapwa kwachiremba mushure mekunge amanikidzwa nemushandi wepachikoro ichi kubvisa tsvina yemunhu nemawoko ake muchimbuzi achimupomera kuti ndiye aive aita tsvina yacho.

Amai vemwana uyu vanoti mwanasikana wavo akamanikidzwa kubvisa murwi wetsvina yaakange asina kuita achishandisa mawoko asina kudzivirirwa.

Mushandi uyu, Muzvare Olivia Ncube (48), akabvuma kuti akamanikidza mwana uyu kubvisa tsvina iyi, asi kwete kuti akaibvisa achishandisa mawoko ake asina kudzivirirwa.

“Kunyepa ikoko, handikwanisi kuita zvinhu zvakadaro. Mwana uyu ari kungowedzera mashoko ekutaura pane zvakaitika chaizvo kuna amai vake pamwe nekuchikoro. Ndinowirirana nazvo kuti ndakamuti ageze chimbuzi ichi,” vakadaro.

Muzvare Ncube vanoti vakaenda kuzvimbuzi zvinoshandiswa nemagwaro anobvira Grade Zero kusvika Grade 3 ndokuona chimwe chaive netsvina akabva ashevedza mwana uyu, anove iye akange aita wekupedzisira kuonekwa achibvako.

“Ndakamutevera mukirasi maanodzidza ndikaudza murairidzi wake kuti aive anyangadza muchimbuzi uyo akanditi nditsvage bhaketi nebhurasho zvekuti agezese tsvina iyi, izvo ndakaita. Akazodzokera mukirasi yake. Tsvina iyi yaive panogarirwa muchimbuzi nemukati macho kwete pasi sekutaura kwavari kuita,” akadaro Muzvare Ncube.

Anoti akarohwa nehana apo akashevedzwa nevakuru vechikoro ichi achiudzwa zvinonzi zvakaitika panyaya iyi izvo zvakasiyana nezvaaiziva.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, uyo akangozviti anonzi VaMutero, akaramba kuti pane nyaya yakadaro yakange yaitika.

Amai vemwana uyu vanoti mwana wavo akavaudza kuti akamanikidzwa kubvisa tsvina yakange yaitwa muchimbuzi nemawoko ake.

Vanoti izvi zvakaita kuti vashandise mari inosvika $35 kurapisa mwana wavo uye vakuru vechikoro ichi vakavimbisa kuti vachavadzosera mari iyi.

Vanoti zvakavarwadza zvikuru kuti mushandi wepachikoro ichi akamanikidza mwana wavo kubvisa tsvina yakange isiri yake achishandisa mawoko ake. – Sunday News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey