Mwana akanwa ropa rekasvava -Vabereki vake vanoti ane shavi

11 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Mwana akanwa ropa rekasvava -Vabereki vake vanoti ane shavi

Kwayedza

VABEREKI NEMWANA
VAGARI vemuKaroi vakaona manenji nguva pfupi yadarika apo kamwana kane makore maviri ekuzvarwa kanonzi kakabatwa neravari kuti “ishavi” masikati machena ndokunokakatyura kuruma kamwe kasvava kevavakidzani kane mwedzi miviri muviri wose dakara kakuvara zvekutoendeswa kuchipatara.

Kasikana kekuruma kasvava aka kanonzi kaimedza ropa remwana uyu. Kwayedza haina humboo hwekuti mwana uyu ainge abatwa neshavi rakaipa, zvisinei nekuti ndizvo zviri kutaurwa nevakaona minana iyi.

Mashura aya anonzi aitika kanokwana kaviri, pamazuva akasiyana, asi kumwana mumwe chete.
Mwana musikana wemakore maviri uyu aigara nevabereki vake panhamba 4746 muChiedza uye anonzi kanokwana kaviri, akanopinda mumba maiva murere kasvava panhamba 4747 mumusha mumwe chetewo, ndokutanga kukaruma-ruma achimedza ropa raidhubhuka kubuda.

Pamwe pacho kasikana aka kanonzi kakazoruma kasvava aka zvekupotsa akadambura muromo nemhuno uye nekukaruma matama nekumeso, makumbo zvose nemawoko.

Pose pakaitika izvi, kasvava aka kanonzi kainge kakarariswa pamubhedha apo kasikana aka kaisvikokwira kachimuruma.
Mashura aya anonzi aiitika zuva rakacheka nyika, kuma10 nekuma11 mangwanani, sekutaura kwevabereki vevana ava.

Mwana uyu paaiwanikidzwa achiruma kasvava aka anonzi aitaura kuti aida “mama” (nyama) izvo zvakaita kuti vari kutaura nezvenyaya iyi vafungire kuti zvichida ainge akabatwa neshavi.

Nekuda kwedambudziko iri, kasvava aka kakatomboendeswa kuchipatara cheKaroi kakanorapwa maronda ekurumwa. Zvisinei, kanonzi kakazodzokororwa zvakare kurumwa mushure mesvondo rimwe chete apo kanonzi hakana kuzokuvadzwa sezvo kasikana aka kakakurumidza kuonekwa.

Baba vemwana akarumwa, VaHense Gara (57), vakatsinhira nyaya iyi vachiti inoshamisa zvikuru.
Vakati: “Ndakazoshevedzwa ndichinzwa kuti mwana wangu mucheche aiva arumwa zvakaomarara nekasikana kepanext door. Ndakanoona chiri chokwadi, mwana ainge akarumwa kumeso, muromo nemhuno zvikakuvara. Mhanza yakakuvara zvakare uye akarumwawo makumbo nemawoko ose.

“Panguva iyi mwana wangu anonzi akabuda ropa rikazara mukanwa mekasikana aka iro kaitomedza. Mwana uyu anonzi paakasvikoedza kubviswa pamusoro pemwana waairuma aitaura kuti ‘musandirambidze, nyama yangu’ apo airwerwa rute.”
Kasvava kanonzi panguva yakairumwa iyi amai vako, Charity Kamwemba (46), vainge vachigeza nhumbi panze.

Amai ava vakati: “Ini handina kukwanisa hangu kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya iyi, ndakangoti ndiwo mashavi akabata mwana mudiki aya. Takazongoti mwana aendswe kuchipatara chete uye takatakurwawo nemotokari yemumwe mupurisa wemuno.”
Mai Kamwemba vanoti vakavhundutswa zvikuru nechiitiko ichi.

“Ndakanga ndiri kuseri kwemba uko ndaiwacha ndokusvikopinda mumba ndikaona (zita rekasikana) ari pamusoro pemwana apo mwana wangu asisagone kuchema achirumwa. Ndakaedza kumubvisa apo akaramba akaruma nekubatirira pakasvava kangu uye ini chandakanzwa aingoti “mama” kureva nyama,” vakadaro amai vemwana wekurumwa.

Vanoti dai vakangoita maminitsi mashoma vangadai vakawana mwana akuvara zvakanyanyisa.
“Ndakawana paiva parere mwana rangova ropa roga-roga, mbatya dzake nemagumbeze.”

Mai Kamwemba vanoti vakazokwanisa kubvisa kasikana aka vakabuda nemwana wavo panze apo vakasvikomurarisa akatarisa pasi kuti ropa ridonhe. Vakazoshevedza amai vepamba paigara mwana wekuruma uyu ndokugezesa mwana uyu mukanwa nemumhuno vachimubvisa ropa.
“Chinonetsa nyaya iyi takaisvitsa kuvabereki vacho, amai vekasikana aka vakauya vachiona zvainge zvaitika. Asi baba vacho havana kumbobvira vakauya,” vakadaro.

Vanoti vakazonorapisa mwana wavo kuchipatara cheKaroi uko vakanzi mazino emwana mudiki aiva amuruma ainge asina njodzi.
Mai Kamwemba vanoti imwe nyaya yakazovanetsa ndeyekuti kasikana aka kakazodzoka zvakare ndokuverera kakanopinda mumba mumwe chete umo kakanokwira pamubhedha paiva parere kasvava aka ndokutanga kuruma mwana wavo zvekare.

“Pazuva rechipiri, mwana wangu akachema, apo Bruce Kamwemba akazvinzwa ndokumhanya akasvikowana kasikana aka kachiruma mwana uyu. Takabva taona kuti rinotova shavi raimubata,” vakadaro. Vanoti kechipiri aka vakazoshevedza baba vemwana uyu vachivabvunza kuti sei vairamba vakanyarara panyaya yakadai asi havana kuvapa mhinduro inogutsa. Havana kuendesa mwana wavo kuchipatara paakarumwa kechipiri sezvo vachiti ainge asina kukuvara zvakanyanya. Kasvava kakarumwa aka mwana wechina waVaGara nemudzimai wavo.

“Chinonetsa ndechekuti mwana mudiki anovhunduka kunyange akaona ropa, ringava rake kana remumwe asi uyu aitorinanzva,” vakadaro Mai Kamwemba.

VaGara vakaenderera mberi vachiti: “Ini kumusha kwangu ndekwaKazangarare, kuHurungwe. Nekukura kwandaita uku handina kumbobvira ndakazviona. Shungu dzangu ndinoda kuti mwana uyu abatsirwe pachiri padyo,” vakadaro.
Muvakidzani wavo, Mai Maidei Sindirani (34), vakati kuburikidza nenyaya iyi, vave kugara vachitya.

“Isu patakangonzwa nyaya iyi takangoti yowe-e, nekuti mwana mudiki akadaro hazvikwanise oga. Vabereki vemwana akaruma mumwe uyu ngavafambe naye kuti abatsirwe ,” vakadaro.

Vabereki vemwana anonzi akarumwa uyu vanoti havana kumboenda naye kunobatsirwa kuchivanhu.
Baba vemwana wekunzi akaruma mumwe, VaIsaac Chasara (30), vakabvuma kuti mwana wavo akaita mashura ekunoruma mwana wevaridzi, kaviri. “Ichokwadi nyaya iyi yakaitika zvikatishamisa tose, ini nemudzimai wangu. Akanoruma mwana wepanext door kaviri akakuvara zvikuru. “Akakuvara zvakanyanya kekutanga asi kechipiri haana. Hatizive kuti chii,” vakadaro VaChasara. Vakaenderera mberi vachiti:

“Ndakashamiswa zvikuru, handina kumbobvira ndakazviona. Nyaya iyi yaitika, ndakaenda kumusha kuShubhara, kuChinhoyi ndikanozivisa amai nababamukuru sezvo baba vangu vakafa. Vakati taifanirwa kuzofamba nemwana uyu muchivanhu kuti tione kuti chii,” vakadaro baba vekasikana aka.

Mudzimai wavo, Mai Talent Mashamba (25), vanoti kusvika nanhasi vanonzwa kutya nekuda kwenyaya iyi.
“Nyaya iyi yakaitika zvechokwadi asi zvinotaurwa zvekuti mwana wedu aiti anoda kudya nyama hamheno. Takatotama pamba pataigara nekuda kwenyaya iyi nekuti kutarisana kwacho nevabereki vekasvava aka zvanga zvave kunetsa,” vakadaro Mai Mashamba.

Mudzimai uyu anoti vakazoenda nemwana wavo kumaporofita ndokunoudzwa kuti aiteverwa neshavi rakaipa. “Takasvikonzi mwana uyu anofanirwa kugara ari pamunamato nguva dzose,” vakadaro. Vaviri ava vakaroorana mugore ra2009 uye vanopinda chechi yepositori yeRepublic Apostolic Faith.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>