Uncategorized

mwana akarova amai avabata nechikomba

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
mwana akarova amai  avabata nechikomba

Kwayedza

. . . ndokutiza vachisiya chipfeko chemukati, ‘. . . hamunyare baba makaita sei?’

Freedom Mutanda
KAKOMANA kane makore 13 ekuberekwa (katisingakwanise kubudisa zita rako) svondo rapera kakaita hushingi hwekurova amai vako apo kakavabatikidza vachiita chipfambi nechikomba musango rekupurazi yeFarm 29 Woods Close, pedyo neSection 7, kuMiddle Sabi.

Amai ava vakabva vatiza vachisiya chipfeko chavo chemukati, izvo zvakashamisa vanhu vemunharaunda.

Nyaya iyi yakazobuda pachena apo mwana uyu akarova amai vake achivashora kuti havatende kuchengetwa kwavanoitwa nababamudiki vake kwemakore gumi adarika, avo vanomira sababa uye vakaita vose vana vavatu.

Babamudiki ava vanonzi vanotora kakomana aka semwana wavo wekubereka.

Chipo Dhliwayo

Chipo Dhliwayo (36) anonzi akazodzosera mwana wake uyu achimurovawo achibva amudzingirira mukomboni kusvika amubata.

Mwana uyu ndipo paakazoudza vanhu vemukomboni iyi kuti ainge abatikidza amai vake vaine chikomba, ndokuti ane umbowo uyewo kana vachinge vakazvipira, vamutevere kusango.

“Takamutevera kusango uko takanoona chisionekwi, chipfeko chemukati chaamai vake chaive chiri musango.

Chipfeko chaChipo Dhliwayo chaakasiya musango.

“Patakazobvunzurudza Dhliwayo, akadura kuti mudiwa wake ndiMbwetete. Hatina kana kuzvibvuma tichibva tamirira murume wacho, Witness Meure (48) kuti auye,” vanodaro VaHappias Sithole vanove mugari wenzvimbo iyi.

Witness Meure

Dhliwayo nemurume wake vanonzi vazoenda kuMiddle Sabi Police Station kuti vanoyananiswa uko mupurisa asina kuda kudurwa zita rake anoti vakazonzi vaende kunobatsirwa nemazano nevatungamiriri vemunzvimbo yavo.

Zvino vaviri ava vanonzi vari kugara vose mushure mekupangwa mazano kubva kune vechikuru vemunharaunda yeMiddle Sabi.

Dhliwayo nemurume wake vane vana vatatu vose uye vakaroorana makore gumi adarika.

Meure naMbwetete vanoita mabasa ekurima uye vanozivana zvakanyanya.

Share This:

Sponsored Links