Uncategorized

Mwana akarumwa ne’zigreen bomber’. . . ruwoko rwogara rwakazvimba

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mwana akarumwa ne’zigreen bomber’. . . ruwoko rwogara rwakazvimba Blessmore Chitsungo achiratidza ruwoko rwake rwakazvimba urwo anonzi akarumwa nenhunzi.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoita kunge chishamiso, kamwana kanogara nevabereki vako papurazi reMaredza, pedyo neCrow Hill, kuBorrowdale, muHarare, kava neruwoko rwave kugara rwakazvimba zvakanyanya mushure mekunzi kakarumwa nezinhunzi.

Nyaya inoshamisa iyi inonzi yakaitika nemusi weChitatu svondo rapera apo mwana uyu, Blessmore Chitsungo (4), aitamba oga.

Mwana uyu ari kunzi akangotanga kuchema achiti ainge arumwa nezinhunzi paruwoko, pakarepo ruwoko ndokutanga kuzvimba.

Eunice Matsika

Amai vemwana uyu, Mai Eunice Matsika (29), vanoti vakatozvionera voga zinhunzi iri rotobhururuka kubva paruwoko remwana wavo apo iye ainge ongochema.

“Taitakura zvidhinha zvekuvakisa imba namai Tawananyasha sezvo pano tichiroja paimba ichiri kuvakwa. Mwana uyu aitamba oga pedyo nesu apo ndakanzwa ochema achimhanyira kwatiri achiti ainge arumwa nenhunzi. Ndakatoona nhunzi yacho hombe – zigreen bomber – rava kuchibhururuka,” vanodaro.

Sekuru Edward Moyo

Mai Matsika vanoti chinovashamisa ndechekuti mwana wavo asati arumwa nezinhunzi iri, kune madzimai akasvika pavaishandira vachivati vaizopihwa mari yakawanda zvikuru nemuridzi wemba kana vazopedza basa rekutakura zvidhinha iri.

“Vanhu ivava vachingobva, ndipo pandakanzwa Blessmore oridza mhere achiti ainge arumwa nenhunzi. Kunyange mwana wangu akachema zvakanzwikwa mukomboni yose, madzimai aya havana kudzoka kuti vazoona kuti mwana uyu ainge aitwa sei, pakatoita mumwe murume akatomudzinga iye achiridza mhere,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takatanga kugara pano mwedzi uno (Kukadzi) tichibva kuBorrowdale mushure mekunge murume wangu aburitswa basa. Amai vepano vakangoti tigare pasina mari yatinobvisa sezvo vaimboshanda nemurume wangu.

Mai Matsika vanoti pamba pavari kugara panoita sekunge pane vamwe vemukomboni vaida kupagara izvo vane fungidziro yekuti kurumwa kwemwana wavo nenhunzi rava daka.

“Munoitika zvakawanda muno zvine chekuita nehuroyi. Pane murume akafa nezuro chaiye ari kunzi airutsa tsvina yemunhu. Muno huroyi hwanyanya,” vanodaro.

Kwayedza yakabvunzawo mwana uyu pamusoro penyaya iyi akati akarumwa nezinhunzi.

Mai Matsika vanoti havana kuenda nemwana wavo kuchipatara asi kumaporofita uko vakanoudzwa kuti nzvimbo yavari kugara ine varoyi.

“Takangopihwa shinda yekusungirira muruwoko rwemwana rwuchinzi rwunopora. Nhasi rwafuma rwakaserera kunyange rwuine maziduzu.”

Baba vemwana uyu, Zviyedzo Chitsungo (30), havana kuonekwa neKwayedza payakasvika papurazi iri.

Zvakadai, imwe nyanzvi yezvechivanhu – Sekuru Edward Moyo (45) – vekunzvimbo yeEsidakeni, kwaMambo Samambwa, kuZhombe, vanoti chakaruma mwana uyu haizi nhunzi asi kuti idumwa.

“Mwana uyu angadai akafira panzvimbo, asi kuti Mwari nemidzimu yake zvakaramba. Anoda kurapwa nemishonga yechivanhu kuti abviswe hunye hwedumwa iri.

“Nhunzi hairume munhu zvekuzvimba, kana uine ronda inomhara nekusiya tsvina, kwete zvekuzvimbisa. Mhuri iyi ngaifambe nemwana uyu,” vanodaro Sekuru Moyo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey