Uncategorized

Mwana akatsakatika nemari

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Mwana akatsakatika nemari Simbarashe Mucharingana

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weNketa, kuBulawayo, iri kushushikana nekuda kwemwanakomana wavo uyo wavasiri kuona kwemwedzi mishanu yakadarika achinzi akatiza pamba mushure mekunge aba mari yaaifanirwa kubhadharirwa chikoro.

Simbarashe Mucharingana (14) — wepanhamba 2312 Nketa — anonzi akatiza kuchikoro kwaaipinda apo aitsvagwa nababa vake nekuda kwenyaya yekuba mari achibva angoshaikwa kusvika nanhasi.

Baba vake, VaBenard Mucharingana (40), vanoti vatambura nekutsvaga mwanakomana wavo uyu.

VaBenard Mucharingana

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa7 Chikumi gore rino apo ndakaenda kubasa, vadzimai vangu Annah Makumbe (28) ndokuendawo kwavo iye mwana achiendawo kuchikoro kwake kuNketa 8 High School uko aiita Fomu 1,” vanodaro.

Vanoti vakadzoka kubasa vaine chinangwa chekusvikotora mari kumba kuti vaende kunobhadharira Simbarashe kuchikoro.

“Ndakasvika kumba ndokushaya mari yaisanganisira $75 ne$15 iyo taiva takachengeta mumba. Ndakazotevera kuchikoro kwake uko ndakanosvika nenguva dzekuma12 masikati apo akavhunduka paakandiona. Akabva angotiza pachikoro apa ndokubuda nerimwe gedhi ndokuenda zvachose.

“Vamwe vana vechikoro ndivo vakazotaura kuti vaiva vamuona achitiza, kubva ipapo kusvika nanhasi hatina kuzomuona,” vanodaro VaMucharingana.

Baba ava vanoti vakamhan’rara nyaya yekushaya mwana wavo kumapurisa enzvimbo iyi uye vaneta nekumutsvaga.

“Mwana uyu akatya kuti dzimwe nguva taigona kumusungisa kana kumurova. Iye zvino chatinoda kuti mwana adzoke nekuti mari tinotsvaga imwe, takatosara tikawana imwe yakawanda iye asipo. Saka tinoti kwaari ngaadzoke zvake tinomuda, tinoda kuti adzokere kuchikoro.”

Vanoti vamwe vanhu vanoti vakagumisira kumuona pamusika mukuru wemabhazi weRenkini, kwakare kuBulawayo, achida kukwira bhazi.

Asst Com Nyathi

“Hatichaziva kuti ari muno here kana kuti akapoya kuenda kunyika dzakatikomberedza,” vanodaro.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanokurudzira vabereki kuti kana vana vakakanganisa, ngavarege kuvavhundutsira kana kuvarova asi kuti vaende navo kumapurisa anodyidzana neruzhinji nyaya dzavo dzonogadziriswa mune zvakanaka.

“Tinoyambirawo vana kuti vasiyane nenyaya yekuba mari kana zvimwe zvinhu asi kuti vapote vachikumbira zvavanoda. Vana vanosungwa vakapara mhosva vachienda kumajeri sevanhu vakuru,” vanodaro.

Vanoti kune vane ruzivo nekuda kwemwana uyu vanokwanisa kuvaridzira nhare pa0772 398 965 kana 0713 111 210 kana kuzivisa mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links