Mwana harohwe – kana dai zvidii

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mwana harohwe – kana dai zvidii

Kwayedza

BUMBIRO remutemo renyika yeZimbabwe rinoti vana havarohwe — kungava kudzimba nevabereki kana nevarairidzi kuchikoro.

Kurova mwana, zvisinei nekuda kwekuti anenge aita sei, imhosva inoita kuti anoipara amiswe mumatare edzimhosva.

Asi chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuti mutemo uyu uri pachena, kuti vana havarohwe, vamwe vana vari kurikitwa kudzimba nekuzvikoro.

Kumwe kurohwa kuri kuitwa vana ava hakuna kumbosiyana nekuponda chaiko. Senyaya yatinayo svondo rino, yemwana musikana anodzidza pachikoro cheSaruwe Secondary School chiri kuSelous, uyo ari kuti akazvambaradzwa kurohwa nemudzidzisi wake zvekusara atyorwa ruwoko rwekurudyi.

Mwana uyu — uyo ari kuita O-Level — anoti atotadza kunyora bvunzo dzake dzeZimbabwe School Examinations Council nekuda kwekukuvara kwaakaita ruwoko rwaanoshandisa pakunyora.

Zvino kuranga rudzii kwakadaro?

Sekutaura kwemwana uyu zvose nevabereki vake, akarohwa nemudzidzisi mumwedzi waKurume gore rino mushure mekunge anonoka kusvika kuchikoro.

Kana chiri chokwadi chekuti mwana uyu akarohwa nemudzidzisi wake, uku kwakange kusisiri kuranga asi kuita hutsinye chaihwo.

Tinodaro nekuti panosvika kuti ruwoko rwutyoke nekurohwa panenge pachishandiswa simba rakawandisa uye chekurovesa chacho chiri chinokuvadza.

Chinorwadza panyaya iyi ndechekuti mudzidzisi anonzi akarova mwana uyu hapana chaari kubatsira nacho kuti ange achirapisa musikana uyu zvisinei nekuti anonzi akawirirana nevabereki vacho kuti achabatsira. Pamusoro pezvo, zvinonzi apo vana vose vakarohwa pamwe chete nemusikana uyu pavakanzi vanyore zvakaitika paiferefetwa nyaya iyi nemapurisa, vamwe vevadzidzisi vepachikoro ichi vakavavhundutsira.

Vadzidzisi ava vanonzi vakati anenge anyora zvaasingazive aizochiona izvo zvakakonzera kuti vamwe vevana ava varege kunyora zvakaitika chaizvo vave kutya. Semaonero edu, nyaya iyi inofanirwa kuongororwa zvizere, chokwadi chaicho chobuda pachena.

Iye zvino mwanasikana uyu haasi kukwanisa kunyora bvunzo dzake dzeO-Level zvinova zvichamudzosera kumashure zvikuru mudzidzo yake. Nyaya yakadai inorwadza mubereki wose nekuti anenge ane tarisiro yekuti mwana wake adzidze agozokwanisa kuzviriritira mune ramangwana.

Nyaya dzekushungurudzwa kwevana dzakadai ndicho chimwe chezvikonzero zvikuru zvaona zvimwe zvikoro zvichiisa makamera emhando yeCCTV mumakirasi. Danho rakadai rinobatsira pakuti zvose zvinenge zvichiitika mukirasi zvinoonekwa nemukuru wechikoro.

Kune vamwe vadzidzisi vari kupokana nekuiswa kwemaCCTV muzvikoro vachiti kutyorwa kwekodzero dzavo dzekuti vashande vakasununguka. Asi kana ticha achiita basa rake nemazvo uye asingashungurudze vana nekuvarova, anogotyei kuti makamera aya aiswe?

Mutemo unoti vana havarohwe, kunyangwe zvodini, nekudaro unofanirwa kutevedzerwa kuitira kuchengetedza kodzero dzavo.

Share This:

Sponsored Links