Uncategorized

Mwana mucheche osanduka

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mwana mucheche osanduka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKADZI wekuEpworth, muHarare, ari kuti mwana wake ane gore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa haasi munhu sezvo achimbosanduka kuita chimwe chinhu chaasinganzwisise.

Anoti dzimwe nguva mwana uyu anosanduka chiso neganda rake.

Chipo Luwaka (24), uyo anogara kuStop-Over, anoti kubva paakabara mwana uyu, anosangana nemasaramusi mumba make sekungoona vanhu vanofamba vasingataure naye nekunzwa mhuka dzinochema asi asingadzione.

Anoti akatotizwa nemurume wake, Tafadzwa Moyo, nekuda kwedambudziko rine mwana wavo uyu.

“Dambudziko iri rakatanga ndichangosununguka mwana uyu sezvo airema kuita fanika dombo ndichitadza kumusimudza. Kwese kwandiri kufamba zvinonzi mwana uyu haasi munhu, asi kuti chimwe chinhu,” anodaro.

Anoti mwana wake anoshandisirwa zvidhoma kana kuti zvikwambo uye akamuzvara achiona, asi ndokuzoita bofu asvitsa gore uyewo haakambaire, kugwesha kana kumira.

“Ndakamuzvara zvakanaka ndokuzongotanga dambudziko iri. Kana kuchema nekuseka zvinoita vamwe vana haaite. Ndinoda kubatsirwa.

“Murume wangu anoita zvechiporofita nehun’anga uye akanditiza nekuda kwedambudziko iri. Mwana uyu anongova nemazino maviri chete.

“Dzimwe nguva ndinozwa mhuka dzinochema mumba asi handidzione uye mwana uyu anombosanduka ruvara achimboita mutsvuku kana mutema, chiso chake chichimbosandukawo,” anodaro Luwaka.

Anotizve mwana wake — uyo anova wechipiri — dzimwe nguva husiku anomuka achidzvova seasvikirwa asi paanomubata zvinobva zvapera.

Sekuru Charles Ndunge

Luwaka anoti anomboenda kuchipatara nemwana uyu asi hapana chirwere chiri kuonekwa.

“Mwana uyu ndaenda naye kumachiremba emuzvipatara zvakasiyana asi chirwere chake hachisi kuonekwa. Ndakambomuendesa kuye kwekusimbisa miviri asi hapana chakafamba saka ndava kutotsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporofita,” anodaro.

“Kwandinoenda ndichitsvaga kubatsirwa ndinonzi haasi mwana kwaye, kuti ndimurase imhosva uye ndinomuda mwana wangu. Vamwe vanotaura zvakawanda, hanzi akasandurwa nemishonga, akatorwa kare pakaiswa mweya wevanhu vakafa iye ndokupindurwa kuitwa chimwe chinhu.”

Mudzimai uyu anoti murume wake haasi kuziva kwaari asi anonzwa kuti akatoroora mumwe mukadzi.

“Ndatambura nemwana uyu, ndinoti kuna baba vemwana uyu ngavauye tibatsirane kumurapisa. Hama dzake nevabereki vemurume uyu vari kure. Chekufambisa handina, mari yaperera kumaporofita nekun’anga pasina chinobuda.

“Ndinonzwa kuti baba vemwana uyu vari kuBindura, vamwe vachiti vari kuCentenary hanzi kupurazi rinonzi rekwaChamboko kana kuti kwaHolland uko vanonzi vari kushandisa zita rekuti Madzibaba Rasta,” anodaro Luwaka.

Kwayedza yakaedza kuridza nhare panhamba dzine zita rakanzi Tafadzwa Moyo asi haina kubatika kusvikira pakudhindwa kwebepanhau rino.

Sekuru Charles Makwiyana Ndunge (90) vekuChipinge vanoti mwana uyu anogona kunge ari kushandiswa nevaroyi.

“Tine hurombo nenyaya iyi. Uku kuita utsinye kumwana mudiki akadai, kupofomadzwa uko akaitwa ndiko kutorwa kwakaitwa mumvuri wake nevaroyi. Saka anoda kubatsirwa nemachiremba anogona.

“Nekufamba kwenguva, mwana uyu anogona kufa kana kuti vachangomushaya votadza kuziva kuti aendepi iye atorwa netokoloshi kunomushandisa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>